Mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change munonzi maita kusawiriana panyaya yezvikwereti zvekuvaka dzimba kana kutenga motokari zviri kupihwa nehurumende.
Nhengo dzebato nezuro dzakaita musangano muHarare kuzeya nyaya iyi asi dzatadza kuwirirana. Kupihwa kwemari kwemakurukota ehurumende, vatevedzeri vavo uye nhengo dzeparamende kuri kushorwa zvakanyanya nevamwe vachiti zvipatara hazvina mushonga uye vari kupihwa mari ava vagara vaine motokari dzacho nedzimba.
Vanokokera bato reCitizens Coalition for Change mudare reparamende VaProsper Mutseyami kubva neChitatu vange vasiri kupindura mibvunzo yavari kutumirwa neStudio 7.
Asi kunyangwe mutungamii webato iri VaNelson Chamisa vari kushora nyaya yezvikwereti izvi, nhengo dzavo dzasangana muHarare dzakawanda dzati dzinoda kutora mari iyi sezvi dzichiti haisi kubva kuZanu-PF asi kuhurumende. Dzinotiwo iyi inyaya pakati pemushandi nemushandirwo sezvo dzagara dzichinunyuta kuti dziri kupihwa mari shoma.
Asi vachinyora pandemutande ravo reTwitter, mutungamiriri CCC, VaChamisa, vakati nhengo dzeparamende idzi dzicharangwa nevavhoti.
Mumiriri weNorton mudare reparamende , VaTemba Mliswa, avo vakazvimirira vakazivisa kuti makurukota, vatevedzeri vavo pamwe nenhengo dzeparamende vainge vapihwa zvikwereti zvekutenga dzimba zvinosvika US$500 000 pamunhu kumakurukota, US4300 000 pamutevedzeri wegurukota pamwe ne$US40 000 panhengo yeparamende imwe chete.
Nhengo dzeparamende dzinoti pamari yadziri kupihwa sechkwereti dzinokwanisa kutenga imwe motokari kana nzvimbo uyekuvakira imba.
Mutauriri weMDC – T inotungamirirwa, naVaDouglas Mwonzora, VaWitness Dube vabvuma kuStudio 7 kuti nhengo dzebato ravo pamwe nemamwe mapato ari muparamende vakapihwa mari idzi.
VaPupurayi Togarepi vanokokera nhengo dzeZanu PF vaudza Studio 7 kuti pane zvakawanda zvisiri chokwadi pamusoro penyaya iyi vakati titaure nemunyori weparamende VaKennedy Chokuda.
Nhengo dzeparamende dzakwanda kubva kumapato ese ari matatu ari muparamende dzaramba kutaura nezvenyaya iyi.
VaMliswa vanoti izvi hazvishamisi nekuti vakataura zvinopokana nemapapato avo vanodzingwa.
VaChokuda varambawo kutaura nezvenyaya iyi vachiti zvibvumirano pakati peparamende zviri pakati payo nenhengo dzayo.
Hatinawo kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Vanooongorora nyaya dzemagariro evanhu VaTendai Ruben Makombe vaudza Studio 7 kuti vanhu vari kudya nhoko dzezvironda munyika uye zvirikuitika zvaratidza kuti nyika haina vatungamiriri.
Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika zvakare vari mukuru weZImbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti zvino rwadza kuti vatungamiriri vanopanana mari dzakakura kudai vanhu vachitambura nenhamo, vasina magetsi nemvura munyika.
Vati zviri pachena kuti nhengo dzeparamende dzakato tengwwa uye hadzichakwanisa kuita basa rekuongorora hurumende vachiti zvavaita zvinonyadzisa.
Gweta, VaMarufu Mandevere, vaudza Studio 7 kuti mari dzese dzinoshandiswa kana kubhadharwa vanhu nehurumende dzinofanira kunge dziri mubhajeti.
Hurumende pese paino shandisa mari zviri kunze kwemutemo inozoenda kunotsvaga mvumo kuparamende kana kuti Condonation pachirungu uye VaMandevere vati haichanetseki kuita izvi nekuti nhengo dzeparamende dzapihwa mari isiri mubhajeti.
Your browser doesn’t support HTML5