Apo Pasi Rose raCherechedza Zuva reKurwisa Huwori, reAnti-Corruption Day, ZACC Yakurudzira Veruzhinji Kubatana muKurwisa Huwori

Komisheni yeZACC pazuva rekurwisana nehuwori, reAnti-Corruption Day racherechedzwa kuMasvingo.

Apo nyika yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekurwisa huwori, reInternational Anti-Corruption Day, komisheni inorwisana nehuwori munyika yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, yakurudzira vanhu munyika kuti vabatane uye vashande pamwechete kuti varwise huwori hwatekeshera munyika, ichiti hunokonzera kushupika kwevanhu vazhinji.

Zuva iri rakasendekwa parutivi nesangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose, reUnited Nations, makore makumi maviri apfuura, pasi rose richibatana kurwisa denda rehuwori uhwo hunonzi neUnited Nations hwatambudza veruzhinji.

Vachitaura pagungano rekucherechedza zuva iri muMasvingo nhasi, mutevedzeri wasachigaro veZACC , VaKuziva Murapa, vakurudzira vanhu munyika kuti vaite mukomberanwa kurwisa dambudziko rehuwori kuti hupere munyika.

VaKuziva vati huwori munyika huri kuita kuti vanhu vakawanda vanonge svosve nemuromo, nekudaro vanhu vanofanira kumhan’gara nyaya dzehuwori vasingatye kuti hupere.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira, vati hurumende iri kubatana nemapazi akasiyanasiyana kurwisa huwori munyika kuti vanhu vawane raramo yakanaka.

Vati nyika yakagadzira mitemo yakasimba yekurwisa huwori uye yakaisa komisheni yeZACC nematare anotonga nyaya dzehuwori senzira yekurwisana nedambudziko iri.

Vanhu vachifora muMasvingo pazuva reAnti-Corruption Day

Asi vemamwe masangano akazvamirira vange varipo pagungano iri vanoti kurwisa huwori munyika kuchanetsa nekuti hunotangira muhurumende, kunyanya kumakurukota, ayo vanoti anopinda nezvematongerwe enyika.

Vachitaura neStudio 7 parutivi pegungano rekucherechedza zuva iri, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reTransparency International Zimbabwe, VaSamuel Matikiti, vati nyika yeZimbabwe ichiri kusarira shure munyaya dzekurwisa huwori.

Vati huwori munyika hunowanikwa pakasiyana-siyana, kunyaya mumapazi ehurumende, kuzvipatara, muzvikoro pamwe nekumatare edzimhosva, izvo zviri kuita kuti vanhu veruzhinji vatambure.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe mugari wekuMashava, VaJohn Phiri, avo vange vari pamusangano uyu vati huwori huri kutadzisa kuwanisa vana vavo mabasa munyika.

Nyika yeZimbabwe ndeimwe yenyika dzinonzi dzine huwori hwakakwiririsa pasi rose izvo zvinoita kuti vanhu vatambure kunyange hurumende nebato rinotonga reZanu PF zvichipomera mhosva iyi kuzvirango zvehupfumi zvavanoti zvakatemerwa nyika nevekumawirira.

Kucherechedzwa uku kwange kuchiitwa pasi pedingindira regore rino rinoti United Nations at 20 Years Uniting the Nations Against Corruption.

Sangano reUnited Nations rati pasi rose rakatarisana nezvimhingamipinyi zvakaomarara zvinobata mazera ose, zvimhingamipinyi zviri kutadzisa budiriro nekugadzikana kwevanhu pasi rose.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godfrey Mtimba