Mumiriri weMbare mudare reNational Assembly, VaStarman Chamisa, pamwe nevamwe vagari vemuMbare, vanoti hurumende ngaivhure musika weMupedzanhamo sezvo kuvharwa kwawo kwapinza nzara mumunhuri zhinji munyika.
Vachitaura neStudio 7 apo vashanyira nzvimbo yeMbare nhasi, VaChamisa vati hapana hutsinye hunodarika kuvhara musika weMupedzanhamo .
Vati musika uyu unofanirwa kuvhurwa nechimbi chimbi kuitira kuti vanhu vabatsirikane.
Mumwe mugari asina kuda kudomwa nezita rake ashora mapato ezvatongerwo enyika achiti ndiwo akonzeresa kuti musika uyu usavhurwe.
Vanoti hapana chikonzero chekuti musika uyu urambe wakavharwa vachiti nzara haineyi nekuti unotsigira bato ripi? Vagari vatiwo havafari nenyaya yekuti mapurisa eZimbabwe Republic Police ari kuvashungurudza zuva nezuva sezvo vave kutengesera panze pemusika uyu.
Mbuya Getrude Matsvayi vasvora kuita kwemapurisa uku vachiti vari kubatwabatwa munzvimbo dzisina kukodzera kunge dzichibatwa nemumwe murume asiri murume wavo dzakaita semazamu, uye vari kutorerwa mari nenharembozha zvavanenge vainazvo.
Mutauriri wemapurisa, Assitant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuiti havana zvavanoziva nezvenyaya iyi.
Musika weMupedzanhamo wakavharwa nehurumende makore maviri apfuurra uchinzi waida kugadziridzwa panguva yeCovid 19, asi kusvika pari nhasi hapana chati chaitwa.
Kanzuru yeHarare inotiwo musika uyu unofanira kuvhurwa. Kanzura we Ward 4 kuMbare, VaMartin Matinyanya vanove vebato reZanu PF, vanoti …………..
Asi gurukota redunhu reHarare, VaTafadzwa Muguti vari kutsika madziro. VaMuguti vaudza Studio 7 kuti hurumende ichatura mashoko pamusoro penyaya iyi mumazuva mashoma anotevera.
Zvichakadai, Studio 7 yawana mashoko ekuti pasara pakaita mhirizhonga paMupedzanhamo zvichitevera kushanya kwaita VaChamisa.
VaChamisa vaudza Studio 7 kuti pane nhengo dzebato ravo dzakuvadzwa uye pane matanho avari kuronga kutora.
Your browser doesn’t support HTML5