Hurumende neVari muZvigaro Vokurudzirwa Kuremekedza Kodzero dzeVanhu Apo Nyika Yacherechedza Zuva reKodzero dzeVanhu Pasi Rose

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe Human Rights Commission

Apo nyika yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu reInternational Human Rights Day, komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu munyika yeZimbabwe Human Rights Commission, yakurudzira munhu wese kuti aone kuti kodzero dzevanhu dzaremekedzwa, dzachengetedzwa, dzasimudzirwa uye dzazadziswa.

Mugwaro rayaburitsa rekucherechedza zuva iri, komisheni iyi yati iri kutora mukana uno kuyeuchidza awo vari muzvinzvimbo zvemasimba kuti kurarama kunouya kuburikidza nekusatora mativi uye nekuve nemusoro.

Ukuwo, sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, rinoti riri kukurudzira hurumende kuti iremekedze kodzero dzevanhu dzavanopiwa nebumbiro remitemo.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure vanoti hurumende ichiri kushandisa matare kumbunyikidza vanofungidzirwa kuti vanoipikisa uye kushaisa zvizvarwa zvayo zvazvinosungirwa nebumbiro remitemo kuti zvinge zvichiwana.

Asi hurumende yagara zvayo ichiti inotevera bumbiro remitemo mukubata zvizvarwa zvayo uye inoramba kuti inotyora kana kumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Studio 7 yakundikiana kubata gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Takundikanawo kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa kanawo munyori mukuru mubazi ravo VaNick Mangwana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure