Mushashakabvu, Reverend Ndabaningi Sithole, vakarangarirwa segamba renyika nezuro manheru pachiitiko chekuparura kudhindwa kwebhuku ravo kechitatu rinonzi African Nationalism. Izvi zvakarongwa neNdabaningi Sithole Foundation muHarare.
Mumashoko avo pachiitiko ichi, sachigaro weNdabaningi Sithole Foundation, Bishop Chad Gandiya, vakati mushakabvu munhu akaita basa guru pakuumba bato reZANU pamwe nekusunungura nyika.
Vakaenderera mberi vachiti vano farawo kuti Rev Sithole vakazopihwa ruremekedzo rwegamba renyika .
Bhuku raVaSithole rinonzi African Nationalism rinotaura kukosha kwehutongi hwevatema rakatanga kudhindwa muna1958 kuBritain uye aka ndekekutanga kuparurwa muZimbabwe.
Imwe nhengo yeNdabaningi Sithole Foundation, Muzvare Jessie Majome, vanoti kuparurwa kwebhuku iri muZimbabwe kunobatsira kuti ruzhinji rweZimbabwe ruzive kukosha kwaita nhoroondo yenyika ino.
Vakaenderera mberi vachiti kupa ruremekedzo kuna Rev Sithole, kwakaitwa nehurumende kwakakosha panhoroondo yenyika ino.
Mumiriri wemhuri yamushakabvu, Dr Sifiso Sithole-Barrow, vakaudza Studio 7 kuti zvakaitwa neFoundation yababa vavo zvakakosha zvikuru kumhuri yese.
Vakatenda rutsigiro rwavakawana kubva kuFoundation shamwari dzemhuri pamwe nevamiriri vedzimwe nyika.
VaPrecious Mabhoko, sachigaro wesangano reFriends of Ndabaningi Sithole Trust, vakati vachaenderera mberi nebasa raiitwa naReverend Ndabaingi Sithole.
VaMabhoko vanoti chinangwa chavo ndechekuti zita nemabasa aRev Sithole asarowe.
Rev Sithole vakave mutungamiriri webato reZANU wekutanga muna 1963 kusvika muna 1975 uye vaive mufundisi wesvondo yeUnited Church of Christ in Zimbabwe. Vakashaya musi wa12 Zvita 2000.