Nyanzvi muNyaya dzeHutano hwePfungwa, Doctor Nzuzu, Vobatsira Vane Matambudziko eZvinodhaka Vari kuZimbabwe

  • Jonga Kandemiiri

"How to Stay Sober," bhuku raDoctor Emmanuel Nzuzu rinobatsira vane dambudziko nezvinodhaka.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara muJacksonville mudunhu reFlorida muAmerica, Doctor Emmanuel Nzuzu, avo vanove nyanzvi munyaya dzehutano hwepfungwa pamwe nezvekubatsira vane dambudziko nezvinodhaka, vanoti vakazvipira kubatsira vane dambudziko rezvinodhaka vari kumusha.

Doctor Nzuzu pari vari zvino vari kumusha kuZimbabwe uko vari kushanda nevanhu vane matambudziko ekutadza kusiya zvinodhaka zvakasiyanasiyana zvinosanganisira mbanje, mapiritsi nedoro, kuburikidza nekuita misangano.

Doctor Nzuzu, avo vave nemakore anodarika gumi nemanomwe vachiita basa rekudzidzisa vane matambudziko nezvinodhaka kuburikidza nekushanda muzvipatara zvakasiyanasiyana pamwe nedandemutande ravo, vanoti vakaenda kuZimbabwe nekuona kukura kwedambudziko nezvinodhaka ravanoti rabata nyika.

Vanoti kubva pavasvika kuZimbabwe muna Mbudzi, vaita misangano miviri muHarare, uye vane tarisiro yekuti vachange vachiita mimwe misangano kunze kweHarare.

Doctor Nzuzu vanoti kune vanoda kubatsirwa vanokwanisa kuvabata panharembozha yavo yavari kushandisa muZimbabwe inoti + 263 776 505 052, kanawo kutsvaga bhuku ravo rakanangana nekubatsira vanenge vaine matambudziko ekukundikana kusiya zvinodhaka rinonzi, “How to Stay Sober”.

Vanoda rubatsiro vanokwanisawo zvakare kuenda padandemutande ravo rinoti https://www.howtostaysober.info, apo vanhu vanogona kuenda vachiwana zvidzidzo zvekuti vangakwanise sei kusiya zvinodhaka.

Doctor Nzuzu vakaberekerwa kuChipinge vakazoenda kuAmerica muna 2003.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Emmanuel Nzuzu