Mapurisa Anorambidza CCC Kuita Misangano yeKupera kweGore kuBudiriro neSt. Mary's, Bato iri Richiti Harina Kupiwa Zvikonzero

  • Jonga Kandemiiri

Mapurisa eZimbabwe Republic Police anonzi arambidza kuitwa kwemisangano miviri yeCitizens Coalition for Change muHarare neChitungwiza.

Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, rinoti ranyimwa mvumo nemapurisa yekuti riite misangano yaro miviri yekupemberera kupera kwegore panzvimbo yemabhizimusi yeBudiriro 5 muHarare nepaHuruyadzo mumusha weSt. Mary’s kuChitungwiza.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostalos Siziba, vanoti tsamba dzavakanyorerwa nevakuru vemapurisa ematunhu eHarare South neChitungwiza, hadzina kuvapa zvikonzero zvekuti sei mapurisa avarambidza kuita misangano miviri iyi.

Asi VaSiziba vanoti vanoziva kuti hurumende inotya kuti vasangane nevatsigiri vavo, zvikuru nyika yatarisana nesarudzo kudai, uye vanoti vakwira kudare reHigh Court vachipikisa matanho emapurisa aya.

Hatina kukwanisa kubata vakuru vemapurisa mumatunhu maviri aya vanoti Chief Superintendent Majojo vekuHarare South pamwe naChief Superintendent Muguti vekuChitungwiza kuti tinzwe zvikonzero zvaita kuti vanyime bato iri mvumo.

Asi mutauriri wemapurisa munyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vanzwa nezvenyaya idzi, vachiti inyaya dzinobatwa nematunhu anenge achiitirwa misangano iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGift Ostalos Siziba