Bato reMDCT raita kongiresi yaro nhasi kuHarare City Sports Centre pasarudzqa hutungamiri hutsva mutungamiri webato iri VaDouglas Mwonzora vachiti vakatarisira kukunda musarudzo dzegore rinouya. Vanhu vari pasi pechiuru chimwe chete ndivo vange vari pamusangano uyu.
Vachitaura pakongiresi yebato ravo yaitirwa muno muHarare nhasi, VaMwonzora vatenda kuti bato ravo harina kuita zvakanaka pasarudzo dzema by-election asi vati nekuda kwekugadzirisa kwavaita nyaya dzehutungamiri kubudikidza nekongiresi yavo vave kutarisira kukunda musarudzo dzegore rinouya.
Vasarudzwa sasachigaro weboka revechidiki mubato iri, VaAlbert Chidhakwa, vati vari kutarisira kuti bato ravo richawana mavhoti anodarika makumi matanhatu kubva muzana musarudzo dzegore rinouya.
Asi nyanzvi munezvematongerwo enyika, Muzvare Sibongile Mgijima, vaudza Studio 7 vari kuChinhoyi kuti havawone MDCT ichikunda musarudzo.
Bato reCitizens Coalition for Change rinotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti riri kutarisirawo kuvhoterwa nevanhu mamiriyoni matanhatu uku bato riri kutonga reZanu PF richitiwo riri kutarisira kuvhoterwa nevanhu mamiriyoni mashanu musarudzo idzi.
Vanga vari sachigaro weMDCT kongiresi iyi isati yaitwa, VaMorgan Komichi avo vasina kusarudzwa, vaudza vanhu vanga vari pakongiresi iyi iri, vati vari kutarisirawo kuti bato ravo kuti richakura.
Asi mumwe wevanga vari pakongiresi iyi, VaSilas Zakeyo vati vabva kuNorton vati hazvife zvakaitika kuti MDCT ibudirire musarudzo kudzamara yaregedza kudyidzana nebato reZanu PF.
Vatori venhau vamborambidzwawo kutora mifananidzo yekunetsana kwamboita vamwe vatsigiri vebato iri panze peCity Sports Centre.
Vasarudzwa pakongiresi iyi sevatevedzeri waVaMwonzora ndiAmai Paurina Mpariwa pamwe naSenator Chief Ndlovu.
VaElias Mudzuri avo vanga vari mutevedzeri waVaMwonzora havana chigaro chavakwikwidza pakongiresi iyi mushure mekunge vasina kudomwa kuti vakwikwidze nenhengo dzebato iri uye vanga vasipo paitwa kongiresi iyi. Vachinyora padandemutande ravo reTwitter vakati havasi kufara nemasarudzirwo ehutungamiri.
VaSolomon Chikowero ndivo vatsiva VaKomichi sachigaro webato iri uye vachange vachitevedzerwa naMuzvare Yvonne Musarurwa.
Kunyange hazvo VaMwonzora vati vafara nemafambiro aita kongiresi yavo, pane vamwe vakaita saVaNorest Marara avo vaida kukwikwidza chigaro chemutungamiri webato iri vakaenda kumatare vachiti bato ravo harina kutevedzera zviri mubumbiro rebato ravo pakudomwa kwevanhu vakwikwidza pakongiresi yanhasi. Asi dare repamusoro rakati nyaya hainganzwikwe zvechichimbi.
VaMarara vatiwo havana kuenda kukongiresi yanhasi vachiti zvaitwa izvi idambavanana.
Kongiresi yaitwa neMDCT yekusarudza hutungamiri hutsva hwebato iri ndeyekutanga kubva zvakafa vaimbotungamira bato iri VaMorgan Tsvangirai. Pkaimboitwa imwe yechimbi chimbi kana ktui extraordinary congress iyo VaMwwonzora vakakunda Amai Khupe muna Zvita 2020.
Your browser doesn’t support HTML5