Komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu yeAfrican Commission on Human and People’s Rights kana kuti ACHPR inoti Zimbabwe yakatyora zvibvumirano zvakawanda zvekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu zviri muAfrican Charter nekuda kwekumbunyikidza vanhu vanenge vachiratidzira murunyararo.
Komisheni iyi yakurudzira Zimbabwe kuti iferefete vose vanotyora kodzero dzevanhu yovasunga nekuvaranga vakabatwa nemhosva.
Izvi zvinotevera kunyorera kwakaitwa komisheni iyi nesangano reWomen of Zimbabwe Arise kana kuti WOZA muna 2013 yakamiririrwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu anoti reZimbabwe Laywers for Human Rights kana kuti ZLHR pamwe ne Robert F. Kennedy Center for Justice and Human Rights vachinyunyuta nekutyorwa kwekodzero yekuratidzira munyika.
Vachitaura nevatori venhau nhasi muHarare, Amai Tinomuda Shoko vanoshanda neZLHR vati komishini iyi yakatura kuti Zimbabwe yanga iri kutyora kodzero yekuratidzira murunyararo uyewo kodzero dzemadzimai.
Gwaro rakanyorwa neACHPR iri rinonzi Communication 446/13 rinotiwo hurumende inofanirwawo kutora matanho kuvashandi vehurumende vanotyora kodzero iyi pamwe nekuona kuti vanotyorerwa kodzero iyi varipwa .
Vachitaurawo nevatori venhau, mukuru weWOZA, Amai Jenni Williams vati kunyangwe hazvo nyaya yavo yakatora makore kuti ipihwe mutongo, vafadzwa nezvaturwa.
Amai Williams vati sesangano rinorwira kodzero nehutongo hwejekerere vachange vachizoenderera mberi nekushandisawo nzira yekuratidzira kuti vazivise zvinyunyuto zvavo.
Gweta uyewo vachirwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandevere vatiwo zvakakosha kuti Zimbabwe iteerere zvabva kukomishini yeAfrica iyi.
Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kuna gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kana munyori mukuru mubazi iri Amai Virginia Mabhiza sezvo nharembozha dzavo dzanga dzisiri kudairwa.
Gwaro rakabudiswa nekomishini yeACHPR rinoratidza kuti hurumende yeZimbabwe yaive yambonyorera kukomishini iyi kuti isatambira nyaya yeWOZA ichiti , sangano iri raigona kushandisa matare emunyika kana vaive nenyunyuto
Nyika dzinogona chete kuenda kukomishini iyi nenyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu kana vamboedza dzimwe nzira dzinenge dzirimo munyika yavo vakaona dzisirikushanda. Sangano reWOZA raive ramboenda kumatare emunyika uye matare achiti vanekodzero dzekuratidzira asi izvi zvanga zvisina anoteerera sezvo nhengo dzesangano iri dzairamba dzichisungwa kana kurambidzwa zvachose kuratidzira izvo zvakazovapa kuti vaende kukomishini iyi.
Komishini ye ACHPR inoumbwa pasi peAfrican Charter iiyo inotara zvinotarisirwa kubva kunhengo dzemuAfrica dzakasaina chibvumirano ichi. Zimbabwe uyakasaina mugore ra1986.
Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change nderimwe riri kurambidzwa kuita misangano kana kuratidzira nemapurisa achipa zvikonzero zvakasiyana siyana zvinova zviri kushorwa nevakawanda munyika nekunze. VaZiyambi vanogara vachiti havo havaudze mapurisa zvekuita.
Kupomerwa mhosva yekumbunyikidzwa vanopikisa kwakapa kuti America itemere zvirango mumwe mukuru wemapurisa VaStephen Mutamba zvirango muna Gunyana.
Your browser doesn’t support HTML5