Mukuru weAlbino Trust of Zimbabwe, VaBrian Nyoni, vanoti vanhu vanodarika zviuru mazana matatu, 300 000, vachawana rubatsiro rwekupiwa magirazi okuverengesa pachena pachirongwa cheSight To the World. Sangano iri riri kushanda nebazi rezvehutano mukanzuru yeHarare.
VaNyoni vanoti chirongwa ichi chichabatsira vanhu vanemazera ari pakati pemakore makumi mana nemashanu, 45, nemakumi matanhatu nemashanu, 65.
Vaendera mberi vachiti chirongwa ichi chichaendawo kumatunhu mashanu enyika kwemakore mashanu anotevera.
VaNyoni vatiwo chirongwa ichi hachisi kunangana nevanhu vanorarama nehusope chete.
Vaendera mberi vachiti zvakakosha kuti munhu wese apinde muchirongwa ichi pasina rusarura izvo zvinozoita kuti vanhu vaone kukosha kwemasangano anomirira vanorarama nehusope uye nekunzwisisawo matambudziko avanosangana nawo.
Imwe nyanzvi nyanzvi munyaya dzezvehutano isina kudomwa nezita yaudza Studio 7 kuti kune zvakawanda zvinokonzera kuti vanhu varware maziso uye vaendera mberi vachiti vanosanganawo nevana vari pasi pemakore gumi nemashanu, 15, vanenge vavhiringidzwa maziso nenzira dzakasiyana siyana.
Vati rimwe donzvo rechirongwa ichi nderekudzikisa huhwandu hwevanhu vanoita tsaona pamigwagwa nenyaya yekusaona zvakanaka.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Chiripanyanga vatsanangura zvimwe zvezvirwere zvinokonzera kupofomara kwemaziso.
Bazi rezvehutano rinoti kune vanhu vakawandisa vanoda magirazi okuonesa zvekuti vari kukurudzira varapwi kuti vaende kumakiriniki anosanganisira Sekuru Kaguvi iri paParirenyatwa Hospital, Norton Eye Hospital, Sakubva Clinic kwaMutare ne Richard Morris Hospital kuBulawayo.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano hwemaziso ine mukurumbira pasi rose Dr Solomon Guramatunhu vanoti zvinorwadza kuona varwere vachishaya rubatsiro munyika, asi dzimwe nyika dzichisimbaradza zvipatara zvehurumende kuitira kuti veruzhinji vakwanise kubatsirwa.