VaMnangagwa Vokurudzira Kubatana paZuva reUnity Day Vamwe Vachiti Pamuro Chete

VaEmmerson Mnangagwa

Zimbabwe nhasi yacherechedza makore makumi matatu nemashanu pasainwa chibvumirano chekubatana, Unity Accord pakati pemapato makuru aikpikisana eZanu nePF Zapu, mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti munyika munofanira kugara mune runyararo uye sarudzo hadzifaniri kushandiswa kukonzera kupokana nemhirizhonga munyika

Mumashoko avo ekucherechedza zuva iri, VaMnangagwa vatenda basa guru rakaitwa nevaive mutungamiriri weZANU, VaRobert Mugabe pamwe nevaive mutungamiriri wePF ZAPU, VaJoshua Nkomo apo vakaisana Unity Accord musi wa22 Zvita muna 1987 vachiisa parutivi kupokana kwavo uko kwakonzera kufa kwevanhu vanodarika zviuru makumi maviri mumatunhu eMidlands neMatabeleland.

VaMnangagwa vati chibvumirano ichi chakaunza runyararo munyika uye runofanira kuchengetedzwa.

VaMnangagwa vatiwo hurumende yavo iri kushandisa madzishe kuti agadzirise matamabudziko akakonzerwa nekupokana panguva yeGukurahundi.

VaMnangagwa vatiwo sarudzo hadzifaniri kushandiswa kukonzera kupokana nemhirizhonga munyika vachiti vana veZimbabwe vanofanira kuisa zvido zvenyika yavo pamberi.

Mumwe mugari wemuHarare, VaWillie Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vanofara chose VaMugabe naVaNkomo vakaisana chibvumirano cheUnity Accord Accord icho vanoti vachaunza runyararo munyika.

Asi vanoti pave nekupokana zvekare munyika zvikuru sei pakati pemapato eZanu PF neCitizens Coalition for Change.

Mutauriri wesangano rinomirira masangano anoshanda akazvimirira reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaruare, vaudza Studio 7 kuti kuti munyika muve nekubatana vanhu vakapara mhosva vanofanira kurangwa.

Mutauriri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, VaWitness Dube, vaudza Studio 7 kuti zuva iri rakakosha asi hapana kugadzikana munyika nekuti mhuri dzakatadzirwa hadzina kuripwa.

Mutauriri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere, vaudza Studio 7 kuti hapana kubatana munyika nekuti hurumende yeZanu PF iri kumbunyikidza nekuuraya nhengo nevatsigiri vebato ravo.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi,vaudza Studio 7 vemapato anopikisa vangachema asi Unity Accord inhaka yakasiirwa vana veZimbabwe naVaMugabe naVaNkomo.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika uye vari mutungamiriri webato reDemocratic Party, Dr Urayayi Zembe, vati munyika murikuramba muchiitwa besanwa nekuti hurumende iri kutadza kubatanidzw vanhu.

Mukuru weMedia Centre, VAEnerst Mudzengi, vaudza Studio 7 kuti munyika munogona kuva nekubatana chete kana vemapato ezvematongerwo enyika vakakoshes zvido zveveruzhinji.

Hurumende yakatara musi wa22 Zvita sezororo rekurangarira kusainwa kweUnity Accord muna 1987 zvichitevera kupondzwa kwevanhu nemauto nekuda kwekusawirirana pakati pemapato eZANU nePF ZAPU.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya