Mapurisa anoti vanhu vakawanda vakafa mutsaona dzemumigwagwa munguva ino yeZororo reKisimusi kubva musi wa15 Zvita kusvika musi wa 26 Zvita gore rino zvichienzaniswa nenguva imwecheteyo gore rapera.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanhu makumi mapfumbamwe nevaviri (92) vakafa mutsaona dzemumigwagwa, vamwe mazana matatu nemakumi matatu nevatatu (333), vakakuvara mutsaona dzemumigwagwa chiuru nemazana maviri nemakumi masere neshanu, (1285) dzakaitika.
Vanoti gore rapera munguva imwechete vanhu makumi manomwe nevaviri (72) vakashaya vamwe mazana matatu nemakumi matatu nevanomwe (337) vakakuvara mutsaona chiuru nemazana matanhtau ane makumi maviri nenhanhatu, (1626 dzakaitika.
VaNyathi vanoti tsaona dzakawanda dzegore rino dzakaitikira mumigwagwa mikuru kana kuti ma highway zvichibva mukumhanyiswa zvakanyanya kwedzimotokari, kuda kupfuura dzimwe motokari, kusatevera zviri kuitika mumugwagwa, kuteverana pedyo nepedyo,uye kutadza kutyaira nekutevera mutemo wemumigwagwa kwevatyairi.
Vanoti vamwe vatyairi vaifamba vakatsika mitsetse inoganhura mugwagwa izvo zvaiita kuti varoverane nemotokari dzenenge dzichibva kwavari kuenda.
VaNyathi vanotiwo tsaona zhinji dzakakonzerwa nemotokari diki dzinotakuva mhuri, kwete mabhazi kana makombi zvinotakura veruzhinji.
Vanoti semapurisa, vari kunetsekana zvikuru nekukwira kwehuwandu hwemotokari diki dzakapinda mutsaona, vachikurudzira veruzhinji kuti vasashandisa motokari dzavo kutakura vanhu vakawanda kana kudzishandisa mabasa adzisina kunyorerwa kuita.
VaNyathi vanotiwo mapurisa kusvika pari zvino abata motokari zviuru zviviri nezana nemakumi mashanu nepfumbamwe, kana kuti 2 159, nezvikonzero zvakasiyana.
Vanoti mapurisa acharamba ari mumigwagwa pamwe nemumisha achiita basa rawo kusvika musi wa 15 Ndira 2023.
Your browser doesn’t support HTML5