Dare remajesitiriti remuHarare nhasi ranzwa chikumbiro chemumiriri weZengeza West mudare reparamende Vajob Sikhala, chekuti vatongwe vachibva kumba zvichitevera mutongo wedare wekuti kutongwa kwavo pamhosva yavari kupomerwa yekuvhirungidza mafambisirwo enyaya mumatare kumbomiswa.
Muchuchisi wenyaya iyi VaGeorge Manokore vange vasvitsa chikumbiro kudare chekuti kutongwa kwaVaSikhala kumbomiswa vachiti pane mapepa matsva avari kuda kupa VaSikhala ane chekuita nenyaya iri pamberi pedare yekunzi vakavhiringidza mafambisrirwo enyaya mumatare kana kuti obstruction of justice.
VaManokore vati zvakakosha kuti VaSikhala vapihwe mapepa aya kuti vagopindura nyaya yavari kupomerwa iyi kamwechete sezvo nyaya iyi yakanga yatotanga kutongwa VaSikhala vachiramba mhosva yavari kupomerwa.
Gweta raVaSikhala, VaHarrison Nkomo, vapikisa chilumbiro ichi vachiti hurumende yave kutsvaga uta nemugate asi mutongi wedare Amai Marehwanazvo Gofa vatambira chikumbiro chehurumende ichi vakati nyaya iyi igozodzoka kudare musi waNdira 3. VaNkomo vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.
Mushure memutongo uyu, VaNkomo vabva vasvitsawo chikumbiro kudare chekuti VaSikhala, avo vakasungwa musi Chikumi 14, vatongwe vachibva kumba kwavo vachiti havangarambe vari muhusungwa iyo hurumende isina kugadzirira zvakakwana kuti vatongwe.
Asi VaManokore vati vakagadzirira zvakakwana kuti nyaya iyi ienderere mberi nekutongwa vachiti vanga vatounza vafakazi vatatu panyaya iyi nhasi zvavati zvinoratidza kuti vakagadzirira kutongwa kwenyaya iyi.
VaNkomo vatenda kuti mutongi wedare achatura mutongo pachikumbiro chavo mangwana.
Chikumbiro ichi ndechechigumi nechipiri uye pose pavakakumbira kuti vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vainyimwa mukana uyu nematare. VaSikhala vanonzi vakapara mhosva iyi zvichitevera kupambwa nekuzopondwa
kwakaitwa nhengo yebato reCitizens Coalition for Change kuNyatsime, Muzvare Moreblessing Ali, nevanofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakabvuma mhosva iyi pamberi pedare.