Pele, aizivikana nevamwe nerekuti Mambo weBhora nekuda kwezvidavado zvake munhabvu ashaya kuBrazil kuchipatara cheAlbert Einstein mushure mekurwara kwenguva yakareba nechirwere chegomarara.
Akapinda muchipatara muna Mbudzi mwedzi wapera. Pele akaberekerwa kuTres Coracoes makiromita mazana maviri nemakumi mashanu (250 kms) kubva kuguta guru renyika iyi reRio De Janeiro muna 1940 achinzi Edson Arantes do Nascimento. Akatanga kutambira Brazil muWorld Cup aine makore gumi nemanomwe achibva atanga nekunwisa mumutambo wake wekutanga.
Pele akatanga kutambira chikwata cheSantos muBrazil aine makore gumi nemashanu. Paakasvika makore gumi nematanhatu akange ave kutotambira chikwata chenyika cheBrazil.
Pele ndiye mutambi wechidiki kutanga kunwisa kumakwikwi eWorld Cup muna 1958 uye kuzonwisa zvibodzwa zvitatu mumutambo mumwe chete mumutambo. Pele akazonwisa zvimwe zvibodzwa zviviri mugore iri akatungamira Brazil kusimudza mukombe weWorld Cup.
Akazosimudza mimwe mikombe yeWorld Cup miviri muna 1962 nemuna 1970. Pele akanwisa zvibodzwa makumi manomwe nemanomwe achitambira Brazil uye iye naDiego Maradona vakanzi neFIFA ndivo vatambi vakatamba kudarika vamwe mumakore ekuma1900 kana kuti 20th century.
Mutambi uyu akamboita gurukota rezvemitambo muBrazil uye akadomwa kuva munyarikana nesangano reUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organization kana kuti UNESCO panyaya dzemitambo.