Hurumende Inonzi Yakambomisa Kupa Marezinesi eZvicherwa Zvishanu Zvakakosha

  • Jonga Kandemiiri

Mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu.

Hurumende inonzi yakazivisa kuti yambosendeka parutivi kubva izvozvi kupiwa kwemarezinesi matsva ezvicherwa zvishanu zvakakosha zvinoti mangoda, copper, lithium, nickel nechimwe chinenge chiine utare, kana kuti rare earth.

Bepanhau reHerald rinoti hurumende yakatora danho iri zvichitevera kuwandisa kwakanga kwaita vanhu vaiforera marezinesi ezvicherwa izvi.

Chiziviso ichi chinonzi chakaburitswa nemunyori mukuru mubazi rezvezvicherwa, VaPfungwa Kunaka. Studio 7 yakundikana kubata VaKunaka kuti tinzwe zvizhinji.

Asimukuru wesangano rinorwira kuchengetedzwa kwezviwanikwa reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti hurumende inogona kunge yayeukja bako iko kwatonaya kare vachiti zvicherwa zvizhinji zvakasakadzwa kare nyika isina chayakawana.

Vanoti chinofanirwa kuitwa nehurumende kumisa kushanda kwemarezinesi ose yoongorora patvsa kuti vanhu vakapiwa marezinesi aya chii chavakapa kunyika.

Vanotiwo danho rehurumende iri rinogonawo zvakare kukonzera kuti munyika muzove nedambudziko revanochera zvicherwa izvi zviri kunze kwemutemo, kana kuti makorokoza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFarai Maguwu