VaSikhala Vanoti Vari  Kunamata Kuti Havana Gomarara reMudumbu Sezvo Vorwara Zvakanyanya

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala vanyora tsamba vachiti vari kurwara nemudumbu zvakanyanya. Vanoti vakatanga kurwara mavhiki matatu adarika uye vari kunamata kuti hachisi chirwere chegomarara remudumbu.

VaSikhala vadarika mazuva mazana maviri vari mujeri kubva zvavakasungwa vachipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga muna Chikumi zvichitevera kupondwa kwenhengo yebato ravo Muzvare Moreblessing Ali nenhengo yeZanu-PF Pius Jamba uyu akatenda mhosva iyi. VaSikhala vanoti kubva zvavakatanga kurwara nemudumbu muna Gunyana, vakuru vemajeri vari kuramba kuti vaonekwe navana chiremba vavo.

Vati vatoneta nekukumbira kuti vaonekwe navanachiremba. Asi VaSikhala vati kushungurudzwa kwavo hakusi kuvaodza moyo vachiti vacharamba vachimirira mhuri yaMuzvare Ali uye kusungunuka kwevana veZimbabwe.

Mutsamba iyi, vashorawo zvikuru vatungamiri venyika vanoti vakasarudzwa votanga kutyora kodzero dzevanhu nekuvambunyikidza.

VaSikhala vatiwo kugara mujeri kwavadzidzisa kuti shamwari chaidzo ndedzipi. Mutauriri weCCC Muzvare Fadzai Mahere vaudza Studio 7 kuti VaSikhala vanofanira kuburitswa mujeri nekuti havana mhosva yavakapara.