ARTUZ Yoronga Kuratidzira Nhasi Ichiti Hurumende Haina Kuzvipira Kuti Vana Vadzidze Pachena

Rimwe sangano rinoona nezvesarudzo rinomirira varairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ rinoti kutanga nhasi rinenge richitungamira vanhu kuratidza kunyunyuta kwavo nekwarinoti kusabuda pachena kwehurumende panyaya yekuti vana vaende kuchikoro pachena pasina kubhadhara mari.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vave nemakore vachizivimbisa kuti vana vechikoro vachadzidza pachena.

Mutevedzeri wegurukota rezvedzidzo VaEdgar Moyo vakaudza bepanhau reHerald nemusi weChitatu kuti hurumende yainge yatanga chirongwa chekuti vana vadzidze pachena asi ichizviita zvishoma nezvishoma.

Vakati bazi ravo richaita musangano nebazi rezvemari kuona kuti zvikoro zvingabatsirwe sei. Asi vakati hurumende yagara iine zvirongwa zvakaita seBasic Education Assistance Module kana kuti BEAM uye kubatsira vana kubhadhara mari yebvunzo.

Asi mutungamiri weARTUZ vaObert Masaraure vaudza Studio 7 kuti hurumende iri kuita gudziramukanwa. Vati mari yakaiswa mubhajeti haikwane kuti vana vaende kuchikoro pachena.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Musaraure