Nyaya dzekudeurwa kweropa munyika dziri kuramba dzichiwedzera izvo zvotemesawo musoro vatongi vematare nemapurisa. Muna Ndira wegore rino chete, vanhu vanosvika gumi nevanomwe vapondwa mumazuva gumi rerimwe.
Zviri kuburitswa nemapurisa padandemutande reTwitter zviri kuratidza kuti gore harina kutanga zvakanaka sezvo vanhu vakawanda vakapondwa nembhavha kana hama mumativi mana ose enyika.
Kwakanyanya kupondwa vanhu kuMatabeleland South kune vanomwe vakaurayiwa. Manicaland ine vanhu vana vakapondwa zvichiitwa nevamwe babab vakauraya mudzimai nevana vatatu. Vanhu vakapondwa muatunhu ose kunze kwekuMashonaland East neMatebeleland North.
Bazi reJudiciary Service Commission - JSC- rinoti nyaya dzehumhondi nehugororo ndidzo dzakawanda mumatare epamusoro.
Vachiparura kushanda kwematare gore rino nemusi weMuvhuro, muChinhoyi, mukuru wevatongi kudare repamusoro kana kuti Judge President Amai Mary Dube vakati huwandu hwenyaya dzehumhondi nehugoro dziri kuuya kumatare epamusoro mudunhu reMashonaland West dzakawandisa.
Vakaenderera mberi vachiti nyaya dzinosvika chiuru nemazana mashanu ane gumi neshanu kana kuti 1515 dzakakwidzwa kudare remuChinhoyi gore rapera.
Amai Dube vanoti vakatotuma vamwe vatongi vaviri Justice Kate Bachi-Mzawazi naJustice Kwenda kuti vauye kuzobtsira mutongi Justice Philda Muzofa nekuda kwekuwanda kwenyaya mudunhu.
Judge Dube vanoti mapurisa ari kuita basa guru kuunza nyaya kumatare zvisinei kuti havana zvekufambisa zvakakwana.
Mutauriri wemapurisa munyika Asst Com Paul Nyati vanoti matare ari kuita basa ravo vakabatana nemapurisa. VaNyathi vati wese achapara mhosva achasungwa. Kunze kwekupondwa kwevanhu, nyaya dzekubiwa pachishandiswa pfuti dziri kuwedzerawo.
Mugore rapera, mapurisa anoti kwakamhan’arwa nyaya zviuru zvina nemazana matanhatu nemapfumbamwe kana kuti 4609. Mhosva dziri kupinda mumatare dziri kuratidza kuti vakawanda vari kuita zvehugororo masoja kana mapurisa kana vakamboshanda muchipurisa nechiuto. Hatina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemasoja VaCol Makotore panyaya iyi.
Nyanzvi munyaya dzezvemagariro evanhu VaJoy Mabege vanoti kushaya nehurombo ndizvo zvezvimwe zviri kukonzera kuti vanhu vaurayane.
JSC inoti iri kupa dzidziso kuvashandi vayo kuti vaite basa nemazvo uye vari kupinda mugore rekushanda kwavo pasi pedingindira rekuti "Promoting Competence and Quality of Service to Enhance Public Confidence in the Judiciary"
Your browser doesn’t support HTML5