Nhengo dzeCCC Dzinosungwa Mushure Mekuita Musangano Unonzi neMapurisa Wanga Usina Kubvumidzwa

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dzeCCC dziri mumaoko emapurisa epaBudiriro Police Station.

Mapurisa ekuBudiriro muHarare anonzi asunga nhengo makumi maviri neshanu (25) dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, mushure mekunge dzaungana pamba paVaMachingauta kuti dziite musangano wadzo.

Nhengo dzasungwa idzi dzinonzi dzinosanganisira mumiriri weBudiriro muparamende, VaCosta Machingauta pamwe nemurongi wemisangano vari zvakare mumiriri weMkoba mudare reparamende, VaAmos Chibaya, pamwe nenhengo dzeboka revechidiki neremadzimai dzanga dzaungana kuti dzipinde musangano uyu.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostalos Siziba, vanoti nhengo dzavo idzi dzanga dzaunga dzichida kuita musangano wemubato, usineyi nevekunze uye usingade kuti vatange vazivisa mapurisa, asi vazoshamisika voona mapurisa achiuya akapakata zvombo achisunga vanhu pamwe nekuparadza musangano uyu zvine chisimba.

Vasungwa ava vanga vanonzi vazoendeswa kukamba yemapurisa yeHarare Central Police Station, uko vanga vachakachengetedzwa.

VaSiziba vanoti kunyange hazvo vamwe vavo vasungwa, dzimwe nhengo dzebato iri dzazoenderera mberi nekuita musangano wadzo.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner paul Nyathi, vaudza Stduio 7 kuti nhengo dzebato rinopikisa idzi dzanga dzaungana dzisina kuzivisa mapurisa sezvinodiwa nemutemo weMaintenance of Peace and Order Act (MOPA).

Assistant Commissioner Nyathi vati mapurisa mudunhu iri anga achiri kuferefeta nezvenyaya iyi pataenda pamhepo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGift Ostalos Siziba

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi