Mapurisa Opomerwa Mhosva Yekubata-Bata Madzimai eCCC Akasungwa kuBudiriro

Mumiriri weMkoba muparamende uye varivo vakafanobata chigaro chemurongi wemisangano mubato reCitizens Coalition for Change, VaAmos Chibaya nedzimwe nhengo dzebato iri makumi maviri nevana vakasungwa neMugovera mumusha weBudiriro muHarare vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva yekuungana nechinangwa chekukurudzira mhirizhonga.

VaChibaya nevamwe vavo makumi maviri nevana kusanganisira mwana ari pasi pemakore gumi nemasere vamiswa pamberi pedare ramejasitiriti muHarare nhasi vakaudza mutongi wedare kuti havana kubatwa zvakanaka nemapurisa.

Rimwe remagweta evasungwa ava, VaChris Mhike, vaudza dare kuti vasungwa ava vakashungurudzwa vari muhusungwa.

VaMhike vaudza dare kuti mamwe madzimai akabatwabatwa zviri kunze kwemutemo nemapurisa akavasunga kuBudiriro anonzi akange akadhakwa. Izvi zvatsinhirwa nevakafanobata chigaro chemutauriri weTripple C, Muzvare Fadzayi Mahere.

Mutongi wedare, Amai Yeukai Dzuda, vati hurumende iferefete zvichemo izvi uye nyaya iyi igodzoka kudare mangwana apo mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaGeorge Garauzive, vakatarisirwa kuenderera mberi nekupa zvikonzero zvaro kutambira kuti vasungwa ava vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaGarauzive vaudzawo dare kuti vamwe vagari vari kuda kusungwa nenyaya iyi vakaita semumiriri weBudiriro muparamende, VaCosta Machingauta, havasati vasungwa. Vatiwo vasungwa ava vanogona kupara dzimwe mhosva kana vakabuditswa muhusungwa uye vanogona kutiza.

Amai Dzuda varamba chikumbiro chekuti mwana mudiki ari panyaya iyi abviswe munyaya iyi asi vamuisa mumaokonehama dzake kuti atongwe achibva kumba pasina mari yechibatiso yaabvisiswa.

Vatsigiri veTripple C pamwe nevatori venhau varambidzwa nemapurisa anga akapakatira zvombo kupinda mudare. Izvi zvashorwa nemumiriri weHighfields muparamende, VaHappymore Chidziva, avo varambidzwawo kupinda mudare.

VaChibaya nevamwe vavo vakasungwa neMugovera vachiita musangano pamba pemumiriri weBudiriro muparamende VaMachingauta. Rimwe remagweta evasungwa ava, VaKudzayi Kadzere, vanonzi vakarohwa nemapurisa pavakaenda kunomirira vasungwa ava pakamba yemapurisa kuBudiriro kwakare.

VaKadzere vanonzi vakakuvara ruoko mushure mekurohwa uku uye vakazoiswa plaster paruoko urwu. Vakambochengetedzwa nemapurisa nezuro pavakaenda kunomhan’a ra nyaya iyi vakapomerwa yekuita zvisina maturo uye vakatarisirwa kumiswa pamberi pedare neChina.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Frank Chikowore