Mumwe wenhengo makumi maviri nenhanhatu dzebato reCitizens Coalition for Change dzakasungwa kuBudiriro svondo rapera anonzi abata chirwere cheCovid 19 ari kujeri kwavakachengetedzwa. Izvi zvabuda mudare panga pachinzwikwa chikumbiro chekuti nhengo idzi dzipihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.
Magweta enhengo dzeTripple C dzakasungwa kuBudiriro idzi, idzo dzinosanganisira mumiriri weBudiriro muparamende, VaCosta Machingauta, pamwe nemumiriri weMkoba, VaAmos Chibaya, audza dare kuti mumwe wevasungwa ava abatwa nechirwere cheCovid 19 ari kujeri zvaita kuti atadze kuuya kudare nhasi.
Magweta aya ati kuchengeta vasungwa ava mujeri kwenguva yakareba kunovaisa munjodzi yekubatira zvirwere kujeri sezvo vamwe vavo vari vanhu vabve zera vane mukana mukuru wekutapurirwa zvirwere. Mumwe wevasungwa ava ane makore makumi masere nemaviri. Rimwe remagweta evasungwa ava, VaWilbert Maandinde vati varikushungurudzika zvakanyanya nenyaya iyi.
Magweta aya akumbirawo dare kuti vasungwa vechikadzi vatakurwe pavo vega sezvo vanyunyuta kuti vari kubatwabatwa zvisingabvumidzwe pamutemo nevasungwa vechirume pavanobviswa kujeri vachiunzwa pamwe nekudzokera.
Mutongi wedare, Muzvare Yeukai Dzuda, vatura mutongo wekuti mufakazi wehurumende wechipiri VaIgnatius Magejo vanove mumwe wemapurisa akasunga vasungwa ava vabvumidzwe kupa humbowo hwavo mudare mushure mekunge magweta evasungwa ava apikisa kuti vape huchapupu vachiti vaive mudare kubva pakatanga kunzwikwa nyaya iyi.
Magweta evasungwa anotiwo anga asina kupihwawo affidavit remufakazi uyu. Vachibvunzurudzwa nemagweta evasungwa ava, Inspector Magejo vabvuma kuti vaive mudare nguva zhinji yainzwikwa nyaya iyi.
VaMagejo vati vasungwa vese vakasungwa vari pamba paVaMachingauta vari mukati mechivanze. Asi mashoko aya anopesana neemufakazi wekutanga VaGeorge Garauzive avo vaudza dare kuti vamwe vevasungwa ava vakasungwa vari mumugwagwa unopfuura nepamba paVaMachingauta.
VaMagejo vati VaMachingauta vakatiza pakasungwa vamwe vavo kuBudiriro asi vasiya vanhu vanga vari mudare vatyoka mbabvu nekuseka mushure mekuudza dare kuti havana kuona VaMachingauta pavakasunga VaAmos Chibaya nevamwe vavo kuBudiriro. Vabvumawo kuti vasungwa ava vakanga vasingaite zvemhirizhonga uye varamba mashoko ekuti vasungwa vakaramba kuti vabhadhariswe faindi.
Vanhu vange vcari mudare vakatyamadzwawo nemashoko aVaMagejo ekuti vasungwa ava havana kuvhiringidza mapurisa kuvasunga asi mapepa ekuvapometa mhosva avaverengeswa achiti vasungwa ava vakavhiringidza mapurisa kuvasunga pavakazosungwa zvechisimba.
Vachuchisi venyayi vaudza dare kuti vasungwa ava vanogona kusamirira kutongwa pamwe nekuvhiringidzana nevafakazi kana vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo.
Asi magweta evasungwa apikisa izvi achiti munhu wese ane kodzero dzekupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pasi pebumbiro remitemo yenyika.
VaMandinde vati vachapedzisa kupa zvikonzero zvavo mangwana. Vasungwa ava vakasungwa musi wa14 Ndira pamba paVaMachingauta pavanonzi vaiita musangano webato ravo vaine chinangwa chekukurudzira mhirizhonga.
Asi vasungwa ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti pasi pemutemo weMaintenance of Peace and Order Act havasungisirwe kukumbira mvumo kumapurisa kana vachiita musangano wemakomiti ebato ravo usiri musangano weveruzhinji.
Nyaya Ina Frank Chikowore