Varimi Voshushikana neKukwira kweNyaya dzeKubiwa kweMombe, Mapurisa Achiti Ari Kuita Zvose Zvaanogona Kurwisana neDambudziko Iri

  • Jonga Kandemiiri

Mbavha dzemombe dzinonzi dziri kungotora nyama yadzinoda dzichisiya imwe, zvikuru zvemukati. (Mufananidzo naTerry Maphosa)

Rimwe sangano rinomirira varimi, reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, rinoti varimi vose vekumaruwa nevemapurazi vari kushushikana zvikuru nekukwira kuri kuramba kuchiita nyaya dzekubiwa kwezvipfuwo zvavo, zvikuru mombe.

Mutungamiri wesangano iri, Amai Maiwepi Jiti, vanoti mbavha dzemombe idzi dziri kuuraya mombe dzichingotora nyama yadzinoda dzichisiya imwe, zvikuru zvemukati, uye dzinourayira mumasango kana mumatanga adzinenge dzabira.

Vanoti dambudziko iri riri kuwedzerwa kukura nekuda kwekuti vanotenga nyama iyi vanowanika zviri nyore, izvo zvinoita kuti mbavha idzi dziwane simba.

Amai Jiti vanoti vanokurudzira varimi kuti vashande pamwe nemapurisa uye kuti vachengetedze zvipfuwo zvavo nguva dzose.

Assistant Commissioner Paul Nyathi

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa ari kuita zvose zvaanogona kurwisana nedambudziko rekubiwa kwemombe iri, uye vatsinhirawo kurudziro yekuti varimi vashande pamwe nemapurisa kuburikidza nekuumba makomiti anochengetedza zvipfuwo.

Vanokurudzirawo vanoita mabasa ekubika nekutengesa chikafu kuti vasiyane netsika yekutenga nyama kubva kuvanhuwo zvavo vasiri vezvitoro zvinotengesa nyama.

Panyaya yekuti zviitiko izvi zviri kukwira zvakadii, Assistant Commissioner Nyathi vati tivabate neMuvhuro apo vanenge vakwanisa kuona musiyano panyaya dzaitika gore rino zvichienzaniswa negore rapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMai Maiwepi Jiti

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi