Mutungamiriri webato guru rinopikisa munyika reCitizens Coalition for Change (CCC) VaNelson Chamisa nhasi vasvitsa makore makumi mamann nemashanu ekuzvarwa vachiti gore rino vahavasi kupemberera bhavhudhe ravo chete asi i kuzvarwa patsva kweZimbabwe vachivimbisa kuti vachakunda zvine musarudzo dzegore rino.
Mumashoko avo ekupemberera bhavhudhe ravo, VaChamisa vaudza Studio 7 kuti vari kufara zvikuru rerutsigiro rwavari kuwana kubva kumativi mana ose enyika.
VaChamisa vatiwo vari kutora matanho ese avanokwanisa kuti sarudzo dziiitwe zvakajeka vachiti mamwe matanho avari kutora anosanganisira kutaurirana nebato reZanu PF kuvandudza muitemo wesarudzo.
Nezuro dzimwe nhengo dzebato reCCC dzakaita musangano negurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi dzichizeya nyaya yekuvandudza mitemo hyesarudzo. Asi vachitaura nevatori venhau nezuro pamusangano nemutungamiri wenyika yeBelarus VaAlexander Lukashenko vakati vachakunda musarudzo uye vanoita kodzero dzakachena.
VaChamisa vati havna havo kukorekotedzwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti havo vange vasingatarisire kukorokotedzwa sezvo vari kuvashaisa hope pamberi pesarudzo
Mumwe wechidiki muZanu PF VaPeter Matangi vaudza Studio 7 kuti havanei nebhavhudhe raVaChamisa.
Panyaya yekuti pamwe vamwe vanoti VaChamisa ndivo vega vane chigaro mubato ravo reCCC, vati CCC harisi bato asi kuti igungano revana veZimbabwe vanoda kugara zvakanaka.
VaChamisa avo vanove gweta, pamwe nemufundisi vati izvi hazvivakanganisi basa ravo vachiti basa revatungamiriri kuchengetedza mhuri nemutemo wenyika.
Your browser doesn’t support HTML5