ZIMSTAT Inoronga Kuparura Chirongwa cheKuongorora Kuti Vashandi Vangani Vari Pamabasa Uye Vakarasikirwa neMabasa

  • Jonga Kandemiiri

ZimStat

Sangano re Zimbabwe Statistics Agency, ZIMSTAT, rakazivisa nemusi weChina kuti riri kuparura chirongwa chepakotoro chekuongorora kuti vashandi vangani vari pamabasa, vangani vakarasikirwa nemabasa nevari kuzviitira mabasa emaoko, uye kuti makambani mangani asiri kushandiswa zvizere.

Chirongwa ichi, icho chinonzi Quarterly Labour-Force Survey, chiri kutarisirwa kutanga musi wa 06 mwedzi uno chichipera musi wa18 mwedzi uno, uye chichaitwa munyika yose.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti chirongwa ichi chakakosha zvikuru sezvo chichibatsira nyika pamwe nehurumende mukugadzirisa zvakawanda zvinosanganisira mitemo yakakodzera inobata nyaya dzevashandi, uye kutiwo zvii zvinodiwa mukutsigira vanozviitira mabasa emaoko.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara