EU Yoronga Kutemera Belarus Zvirango Zimbabwe Ichinzi Ingwarire Kutsokodzerwa Panorwa Mikono

VaAlexandria Lukashenko naVaEmmerson Mnangagwa

European Union mumashoko kuvatori venhau inoti iri kuronga kutemera Belarus zvimwe zvirango ichiipomera mhosva yekutsigira Russia muhondo nUkraine nekutyora kodzero dzevanhu.

Izvi zviri kuuya pangopera mazuva mashoma mutungamiri wenyika yeBelarus VaAlexander Lukashenko vachangobva mukushanyira Zimbabwe vachinyorerana zvibvumirano zvekutengeserana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevemabhizimisi.

VeEU neAmerica vakatemerawo Russia zvirango vari kuti vacharanga vose vanamuzvinabhizimisi vari muBelarus vanoda kushandiswa neRussia kupukunyuka mumambure ezvirango izvi. VaLukashenko nevamwe vakuru muhurumende mavo vakatotemerwa zvirango neEU neAmerica.

Vamwe vanamuzvinabhizimisi vemuBelarus vakaita saVaAlexander Zingman vari kunyorerana zvibvumirano nehurumende yeZimbabwe vakaiswa pazvirango. Izvi zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika zvinogona kupa kuti Zimbabwe igume yabatanidzirwa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava kuti tinzwe divi ravo.

Asi vanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarei vanoti Zimbabwe haina chainorasikirwa nacho sezvo kunayngwe ikadyidzana neUkraine inongoramba yakatemerwa zvirango.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPupurai Togarepi

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi vati Zimbabwe inogona kufira mafufu segonzo sezvo paita hondo yenyika dzakabudirira iyo isina masimba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi