ZIMSEC Yoburitsa Zvakabuda Mubvunzo dzeO' Level Zvayanga Yamboramba Kupa Zvimwe Zvikoro

ZimSec Chinhoyi Exams5.jpg

Kanzuru inoona nezvekunyorwa nekubudiswa kwebvunzo dzevana vechikoro munyika yeZimbabwe Schools Examination Council (ZIMSEC) yazivisa kuti bvunzo dze Form 4 dzange kabatwa dzevana vose vakanyora pazvikoro zveMukaro neSylveira dzabudisa nhasi.

Mutaruriri weZIMSEC, Muzvare Nicky Dhlamini ati nyaya yezvikoro izvi yagadzairiswa uye vana vanokwanisa kuenda padandemutande kuti vaone zvakabuda mubvunzo dzavo.

Muzvare Dhlamini ati kunze kwehuwori pakuti mapepa ebvunzo anoonekwa dzisati dzanyorwa, bazi ravo rikaona sekuti pane zvisina kuitika zvakanaka rinombomira kubudisa zvakabuda mubvunzo.

Muzvare Dlamini vati havo pane vari kupomerwa mhosva yehowori, havasi kuzopihwa zvakabuda mubvunzo.

Nekuda kwekumbomira kwekubuditswa kwezvakabuda mubvunzo, mumwe mubereki ataura neStudio 7 ane mwana ari paMukaro ada kuzivikanwa nerekuti baba Mugombi chete anoti vange vatove kuronga kuendesa Zimsec kumatare edzimhosva sezvo vana vavo vasina mhosva yavakapara.

Mukuru wesangano reVadzidzisi vekumaruwa VaObert Masaraure vanoti vabereki vane kodzero yekuenda kumatare kana vaine zvichemo.

Izvi zvatsinhirwa nevanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano revanorwira kodzero dzevechidiki reCitizens in Action Plartform(CAP) VaArchibold Madida
Vachitaura pakupera kwesvondo mubepa nhau reSunday Mail, sachigaro we ZIMSEC, Muzvinafundo Eddie Mwenje vakati vana vanosvika zviuru zvishanu vari kupomerwa mhosva dzekuita huwori.

Mudunhu Masvingo vana vanosvika gumi vakasunga vakamiswa pamberi pedare pazvikoro zvePamushana, Bikita Fashu neMadamombe vachipomerwa mhosva yekuvhurirwa mapepa.

Kune mamwe matunhu akaita seMashonaland West, Midlands ne Manicaland vana vakawanda vakabatwa mumambure ekuita zvehuwori aya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba