UN Inoti Hurumbo Hwopa Kuti Vanhu muAfrica Vave Nhengo dzeISIS neVamwe Vanopfurikidza Mwero

Al-Shabab

Gwaro richangoburitswa neUnited Nations riri kuratidza kuti nyika dzemuAfrica ndidzo dzave nevanopfurikudza mwero vakawanda avo vari kuponda vanhu vakawanda.

Bazi reUnited Nations reUnited Nations Development Programme rinoti nyaya yehurombo kwete chitendero ndiyo yave kupa kuti vanhu zvikamu makumi mapfumbamwe nevaviri kubva muzana kana kuti 92% vashande nezvikwata zvinpfurikidza mwero.

Vanhu vakawanda vanonzi vakapinda muhuombo hunotyisa kubva zvatanga kupararira chirwere cheCovid-19. Zvinonzi huwandu hwevanhu vari kushanda nezvikwata izvi nekuda kwechitendero hwadzika nezvikamu makumi mashanu nemanomwe kubva muzana kana kuti 57%.