Masangano anomirira kodzero dzemadzimai asangana muHarare nhasi ati kusazadzikiswa kwemutemo wekuyenzanisa mikana pakati pemadzimai nevanhurume kana kuti Gender Act sezviri mubumbiro remutemo kuri kudzosera kumashure zvakanyanya kusimudzirwa kwemadzimai.
Madzimai abva kumapato akasiyana –siyana nemasangano akazvimiririra aungana muHarare nhasi apo vemapato ezvematongerwo enyika vaisa runyoro rwavo pagwaro rekuzvipira kuzadzikisa nyaya yekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.
Sachigaro wekomishi inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume yeGender Commission, Amai Margaret Mukahanana Sangarwe vati kushaikwa kwemitemo inotsigira zviri mubumbiro idambudziko guru.
Vanga vakamirira bato reZanu PF uye vari mutevedzeri wemunyori anoona nezvemutemo VaFortune Chasi vati madzimai anofanirwa kuzvisunungura.
Amai Paurina Mpariwa vanga vakamiririra bato reMDC T vati kune zvimhingaidzo zvizhinji zvinodzorera madzimai kumashure munyaya dzezvematongerwo enyika.
Izvi zvatsinhirwa naMuzvare Kudzai Kadzombe vanga vakamirira bato reCitizen’s Coalition for Change vakawedzerawo vachiti…
Mutungamiriri weLabour Economists Afrikan Democrats, Muzvare Linda Masarira vatiwo madzimai munyika ari kunyengerwa nekupiwa zvigaro mudare reparamende zvisingakwikwidzwi uye zvisina matunhu.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai reWomen Coalition of Zimbabwe, Amai Sally Dura vatiwo nyaya yekuti madzimai haasi kutungamira mapato iri kupa kuti kuzadzikisa nyaya dzavo dzinetse.
Gurukota rebazi rinoona nezvemadzimai, Amai Sithembiso Nyoni vati madzimai anofanirwawo kutsigirana. Vati hurumende yakazvipira kuzadzikisa kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.
Amai Nyoni vatiwo hurumende yakaisa bumbiro remitemo, ikaisa dare rinoona kuti nyaya dzine chekuita nekuzadzikiswa kwebumbiro dzitongwe vakati chitsvambe chave kumapato ezvematongerwo enyika kuzadzikisa zviri mumutemo.
Mapato ezvematongerwo enyika azoisawo runyoro rwavo pachibvumirano chekuti vachasimudzira nekutsigira vanhukadzi nekuvapawo mikana
Your browser doesn’t support HTML5
yekukwikwidzawo zvigaro takatarisa nesarudzo dzegore rino.