Mutungamiri webato reZanu PF vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vatambira nhengo itsva dzinonzi dzapinda mubato ravo kubva kumamwe mapato anopikisa akasiyanasiyana anosanganisira MDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora pamwe neCitizens Coalition for Change.
Mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti pavanhu vatambirwa naVaMnangagwa ava panga painewo muni’nina wevakave mutungamiri weMDC wekutanga, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, VaCollins Tsvangirai nevamwe vemhuri yekwaTsvangirai.
Vachitambira vanhu ava, VaMngangagwa vanonzi vati vauya kubato ravo ava vane basa rekuita mukuumbwa kweZanu PF, nekudaro vanofanirwa kutambirwa nemaoko maviri.
VaMugwadi vanoti semusangano mukuru weZanu PF vanonzwa kufara kukuru kuti vakwanise kuona vanhu vanodarika zviuru zvishanu vachiuya kubato ravo vanga vachibva kumapato anopikisa, kunyanya kuMDC neCCC.
Vanoti vanhu ava vanga vachiti vari kuona budiriro iri kuitwa naVaMnangagwa, vachiti Zanu PF sehomwe yebenzi inokumba vose vanoda kupindamo.
“Nhasi tazoita mufaro mukuru tichiona munin’ina wemukuru akatanga MDC (VaMorgan Tsvangirai) achitungamira mhomho yevanhu yanga ichidzoka kumusangano weZanu PF, VaCollins Tsvangirai nemhuri yaVaTsvangirai zvakare, inosanganisira vamwe vana vavo, tanga tiinavo.Aah! zvatifadza zvisingabviri,” vanodaro VaMugwadi.
Your browser doesn’t support HTML5
Asi mutauriri wemutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora, VaLloyd Damba vanoti izvi hazvisi zvitsa zvekuti vanhu vanomiswa pamberi penyika nebato reZanu PF vachinzi vadzoka kumusha vachibva kune mamwe mapato akaita seravo uye hazvina zvazvinokanganisa bato ravo.
“Munhu ane kodzero yake yekubuda mubato achijoinha bato raanoda. Mubumbiro redu renyika zvirimo, mune freedom of disassociation. Saka tinoti makorokoto kune vaenda asi hazvimisi basa redu muMDC kuti rienderere mberi. Handi kekutanga kuti vanhu vabude futi kuZanu PF vachiuya futi kwatiri uye kubuda kwatiri vachienda kuZanu PF,” VaDamba vanodaro.
Your browser doesn’t support HTML5
Studio 7 yakundikana kubata VaCollins Tsvangirai kana vamwe vemhuri yekwaTsvangirai vari kunzi vaenda kuZanu PF. Asi tabata mumwe wevamunini’na waVaMorgan Tsvangirai, VaManasa Tsvangirai, avo vanoti zviri kuonekwa neveruzhinji ndizvo zvavari kuonawo, uye mukuona imomo munhu mumwechete haanganzi imhuri.
“Munhu hwani munhu hwani. Kana iye asarudza kudaro haangamiriri mhuri yoseka kuti mhuri yose ndiko kwayava. Saka kana vanhu vave ku reporter ngavanyatsoburitsa pachena. Unoziva, kungopenda vanhu vese nebhurasho kungoti ndozviripo, handidzo nyuzika,” vanodaroVaManasa Tsvangirai.
VaTsvangirai vanoti ivo vachiri pavakasiiwa vari nemukoma vavo, mushakabvu Vatsvangirai vachiti vachiri kubato reMDC-T inro riri kutungamirwa naVaMwonzora pari zvino.
Your browser doesn’t support HTML5