Mhuri dzinoda kusvika kugumi kuGokwe Chitekete dzinonzi dzakasara pamhene mushure mekunge dzimba dzaputswa nemvura yakawanda, iyo inonzi yakaparadzawo nezvirimwa zvaive muminda.
Kunaya kweMvura Yakawanda Kwoparadza Dzimba neMinda kuGokwe Chitekete
Your browser doesn’t support HTML5
Mhuri dzinoda kusvika kugumi kuGokwe Chitekete dzinonzi dzakarasikirwa nemidziyo nechikafu mushure memvura yakanaya yakaparadza dzimba nekukukura minda yaive nezvirimwa uye kusiya nzizi dzisisayambukiki. Mugari weko, VaAsher Ngwenya, vanoti hapana akakuwara asi vanhu havasati vawana rubatsiro.