United Nations Yokurudzira VaMnangagwa Kuti Vasaise Runyoro Rwavo paBhiri reKuvandudza Mashandiro eMasangano Akazvimirira Oga (PVO Bill)

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

President Emmerson Mnangagwa

Nyanzvi musangano reUnited Nations mubazi rezvekodzero dzevanhu (United High Commissioner for Human Rights) dziri kukurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vasaise kunyoro rwavo pabhiri rekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organization Bill.

Bhiri iri rakatopasiswa mumatare eHouse Of Assembly neSenate. Vachinyora mubepanhau reSunday Mail mukupera kwegore rapera, VaMnangagwa vakati hapana kudududza pamutemo uyu sezvo vachipomera masangano akazvimira oga mhosva yekuda kupidigura hurumende yavo vachishanda nehurumende dzekunze.

Asi masangano akazvimirira oga ari kuramba kuti ari kuda kuita zvavari kupomerwa izvi.

Nyanzvi dzeUnited Nations dzinoti mutemo uri kuda kudzikwa uyu unombunyikidza kodzero dzevanhu nekukanganisa zvakanyanya rusungunuko rwavo nehutongo hwejekerere.

United Nations inoti Zimbabwe yadzokera kumashure zvakanyanya panyaya yerusungunuko rwevanhu sezvo vave kumbunyikidzwa.

Zvekuti bhiri iri rakananganawo nekurwisa zvechitororo zvarambwa neUnited Nations.

Vanokokera mabasa musangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaWilbert Mandinde vanoti vanotsigira zviri kutaurwa nesangano reUnited Nations uye vane rwuvimbo rwekuti hurumende ichagadzirisa bhiri iri risati rave mutemo sezviri kukurudzirwa ne UN

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Wilbert Mandinde

.