Vana Vanodarika Zviuru Makumi Masere (80,000) Vosiira Chikoro Panzira

Bazi redzidzo yepasi rinoti gore rapera, vana vanosvika zviuru makumi masere vakasiira chikoro panzira kuprimary nekusecondary.

Mukuru anoona nezvekudzidza nezvido zvevana mubazi iri, Amai Kwadzanai Nyanung vakaudza dare reSenate nemusi weChipiri kut vana vakawanda vari kusiya chikoro nekuda kwekuti vanenge vabata pamuviri, kuroorwa, kuroora kana kushungurudzwa nenyaya dzepabonde nezvimwe.

Amai Nyanungo vaitura izvi vachibvunzurudzwa nemaseneta ari mukomiti inoona nezvebudiriro kana kuti Development Goals awo asiri kufara nenyaya yevana vakawanda varikutadza kuenda kuchikoro.

Izvi zvinooenderanawo neongororo yakaitwa nebazi rinoona nezvevaana muUnited Nations reUnesco yekuti kuzvikoro zveprimary, vana zvikamu gumi nechimwe kana kuti 11% vanosiira chikoro panzira kuchiti vamwe zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti 15% vachinzi ndivo vanopedza chikoro kusvika kuA level.

Semuenzaniso vanoti mugore ra2021 vana vanoda kusvika zviuru makumi maviri (20 000) vezvidzidzo zveprimary vakasiya chikoro nekuda kwekuti vainge vaita nhumbu, kuroorwa kana kuvhiringwa panyaya dzepabonde

KuSecondary kune vana vanodarika makumi mashanu vakaitwa izvi. Amai Nyanungo vanoti bazi ravo harisi kufara nezvese zviri kuitika vachiti zvikoro zvakawanda nenharaunda hazvina hwaro hwekutsigira vana vanenge vakanganiswa padzidzo yavo.

Amai Nyanungo vanoti nyaya iyi inobata vana vese vachiti semuenzaniso muna 2021 pane vakomana vaviri vePrimary vakasiya chikoro vachinzi varoora ukuwo pakaita vasikana vanodarika mazana maviri nemakumi matanhatu vakasiya chikoro nekuda kwekuti vabata pamuviri.

Vanotiwo vanoda kuti munhu wese madzishe, mapurisa, vabereki vashande nebazi ravo kugadzirisa dambudziko iri.

Asi maseneta haasi kufara kuti bazi redzidzo yepasi harisi kushanda nemadzishe mumatunhu. Kanzura weWard 6 kuEpworth VaBatanai Masunda vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana nemuonero we bazi redzidzo yepasi vachiti vana vakawanda munzvimbo mavo vari kuregera kuenda kuchikoro nezvinokonzero zvakawanda uye hurumende ionfanirra kugadzirisa nyaya iyi nekukasika.

Vakafanobata chigaro chasachirago wekomiti yeSeneti iyi, Amai Sikhanyisiwe Mpofu vanoti iyi inyaya inovarwadza chose uye vanoda kuti hurumende igadzirise nyaya iyi .Vanoti komiti yavo ichanyorera kuhurumende kuti itore matanho kugadzirisa dambudziko iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya