Rimwe sangano rinomirira vadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe nhasi raendesa tsamba yenyunyuto kudare reparamende richikurudzira kuti riongorore nyaya yehuwori hunonzi huri kuitwa nekanzuru inoona nezvebvunzo yeZIMSEC.
ZIMSEC iri kupomerwa mhosva yekupa kuti zvive nyore kuti mapepa ebvunzo abuditswe dzisati dzanyorwa. Asi vachitaura neStudio 7 mutauriri wezimsec muzvare Nicky Dhlamini vati hapana chavangataure panyaya iyi sezvo ARTUZ isina kuvapa tsamba yacho.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda kana mutevedzeri wamabharani mukuru wedare iri Amai Helen Dingane vati vange vasiri muhofisi.
Mutungamiri sangano revarairidzi reARTUZ VaObert Masaraure vaudza Studio 7 kuti tsamba yavo yatambirwa ku dare reparamende uye vanotarisira kuwana mhinduro munguva pfupi.
VaMasraure vati dambudziko iri rinofanira kugadziriswa nekuchimbidza kuti dzidzo ye my Zimbabwe irambe iine Chiremerera.
Your browser doesn’t support HTML5