Dzimwe shirikadzi dzinosanganisira vaimbove madzimai evaimbove varwi vehondo yerusununguko, dziri kubviswa pamapurazi padzakanga dzagariswa patsva panongofa varume vadzo.
Pakapihwa vanhu magwaro ekuwaniswa nzvimbo dzekugara mumapirazi evaimbove varimi vechichena, magwaro aya ainge aine zita remunhu mumwechete, kakawanda kacho aine zita remurume.
Saka panongofa baba vane zita riri pamagwaro aya panoita dambudziko rekuti mumwe munhu asiri mudzimai kana mwana wemufi anopihwa rimwe gwaro rekuti agare papurazi iri, izvo zvinomanikidza kuti mhuri yemushakabvu ishaye pekugara.
Mumwe mudzimai akabviswa nechikonzi mushure mekunge murume wake ashaya ndiAmai Faustina Mukuruva, vekuBuffalo Downs, kuHurungwe.
Amai Mukuruva, avo vaitadza kutaura zvakanaka nekurwadziwa, vanoti vakazongoona chikonzi chauya kuzovabvisa pasina yambiro.
Kunyange vakaita rombo rakanaka rekusatorerwa minda, vanoti vanotadza kupihwa mbeu nefotireza kumabhanga nevanopa zvikwereti sezvo zita rinenge rakanyoreswa risiri ravo, sekutaura kwaAmai Chenai Tsoro vekuMahomba Farm kuHurungwe.
Izvi zvinotsinhirwa nasachigaro wevaimbove varwi verusununguko mudunhu reMashonaland West, VaCornelius Muoni, avo vanoti dambudziko iri rinosangana nenhengo dzavo zvakanyanya.
VaMuoni vanokurudzira kuti hurumende inofanirwa kukoshesa vana nemudzimai vasiiwa nemufi.
Dambudziko iri rinonzi rinonzi riri kuitikawo kumatunhu akawanda emunyika.
Sachigaro wevaimbove varwi verusununguko mudunhu reMashonaland Central, VaSam Parirenyatwa, vanoti dambudziko iri rakatekeshera nenyika vachipomera vashandi vebazi rezvekurima mhosva yekutengesera vamwe vanhu minda inenge yasiiwa nenhengo dzavo.
VaParirenyatwa vanoti vashandi vebazi rezvekurima vanofanirwa kuchinjwa mumatunhu mavanoshandira nguva nenguva.
Gurukota rezvekurima VaAnxious Masuka vanoti dambudziko iri vakarinzwa uye pave nehurongwa hwekuti zita regwaro remunda richinjwe mukati memwedzi mitanhatu kubva panenge pafa muridzi wezita rainge rakanyorwa paOffer Letter, poiswa zita remunhu anenge ave kutungamira mhuri yasara.
VaMasuka vanoti pamagwaro matsva ari kutsiva maOffer Letter, kana kuti permits, pachange pachinyorwa mazita aBaba naAmai pamwe chete.
Asi VaMasuka vanoti havazive huwandu hwemhuri dzakabviswa paminda sezvo matunhu ose asati avapa huwandu munzvimbo dzavo.
Your browser doesn’t support HTML5