Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva remutauro waamai kana kuti International Mother Language Day nyanzvi munezvidzidzo zvemitauro dzichiti kuti nyika ibudirire zvakakosha kuti vana vechikoro vadzidziswe zvidzidzo zvese nemitauro yavanonzwisisa kana kuti rurimi rwaamai.
Munyori wemabhuku echishona anosanganisira, Mapenzi, imbwa yemunhu, Ndafa Here nemamwe Doctor Ignatious mabasa vaudza Studio 7 kuti mitauro yerurimi rwamai inofanira kukosheswa mazuva ose kwete kwezuva rimwe chete pagore.
VaMabasa vati nyika zhinji dzakabudirira dzinodzidzisa vana nerurimi rwamai vakati izvi hazvisi kuitwa muZimbabwe.
Mashoko aVaMabasa atsigirwa naDoctor Tinashe Mawere vanova mudzidzisi zvakare.
VaMawere vawedzerawo vachiti zuva iri rinobatsirawo kuti mitauro mimwe isaramba ichiparara.
Vanoona nezvedzidzo musangano reUNESCO, VaCharles Chikunda vaudza Studio 7 kuti zuva ranhasi rakakosha zvikuru sezvo richibatsiridza kuti nyika dzivandudze dzidzo kuburikidza nekudzidzisa vana nemutauro wavanonzwisisa.
VaChikunda vati chinangwa cheUNESCO ndechekuti hurumende dzepasi rose kubudikidza nemapazi ezvedzidzo avandudze dzidzo vachikurudzira kuti vanhu vadzidziswe nemutauro waAmai.
UNESCO yati ichaita mhemberero dzezuva iri nemusi weChina chevhiki rino. Zuva reInternational Mother Language Day iri rinocherechedzwa musi wa21 Kukadzi gore rega rega senzira yekusimudzira mitauro yese uyezve kusimudzira dzidzo nebudiriro kuburikidza nekushandisa mitauro yenzvimbo imwe neimwe. Zita iri rakatanga kucherechedzwa neUNESCO muna 1999 rikazotambirwa neUnited Nations mugore ra2002.
Your browser doesn’t support HTML5