Rasvika gore kubva zvapinda Russia muUkraine nechisimba nekutanga kurwisa nyika iyi, muhondo iyo yakonzera kutambura kwevanhu munyika dzakaita seZimbabwe nekuda kwekukwira kwemitengo yechikafu, mafuta edzimotokari, fotereza, nezvimwe.
Hondo iyi inonzi yavhiringawo dzidzo yevana vakawanda vaiita zvidzidzo zvepamusoro muUkraine.
Hondo iyi yakawedzera nzara nekutambura kune vazhinji munyika sezvo Zimbabwe nenyika dzakawanda vaitenga gorosi, zvikwanisiro zvekurimisa pamwe nemafuta edzimotokari kubva kunyika mbiri idzi.
Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti hondo iyi yakaomesera vanhu muZimbabwe.
Vati kunyange hazvo hurumende yakamborega vanhu vachitambura, zvinofadza kuti nyika yave kukwanisa kurima gorosi rakakwana zvekuti haichanyanya kurarama negorosi rinobva kunze.
Kana sangano reUnited Nations rakabvumawo kuti hondo iyi yakavhiringa zvinhu munyika dzakawanda panyaya dzechikafu izvo zvakazoita kuti masangano akaita seAfrica Development Bank abatsire Zimbabwe nemari inoita mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora ekuAmerica, kana kuti US$25 million, mukutsigira mabasa ekurima.
Vachitaura muHarare nezuro, mukuru weAfrican Development Bank, Dr Akinwumi Adesina, vakati vanovimba kuti rubatsiro urwu ruchabatsira mukuderedza marwadzo ehondo yeRussia neUkraine kuvana veZimbabwe.
Gore rapfuura Zimbabwe yakavhota ichipikisa chisungo che United Nations chekuti Russia imbomiswa kuve nhengo yesangano iri nekuda kwekurwisa kwayo Ukraine isina kudenhwa uye nezuro haina kuvhota pane chimwe chisungo chekuti Russia ibude muUkraine.
Mutungamiriri weDemocratic Party, Doctor Wurayayi Zembe, vanoti zviri kuitwa neZimbabwe kutsigira Russia, iyo vati muitiro wayo unopesana nezvisungo zveUnited Nations, zvakaipa. Dr Zembe varatidzawo kusafara nenyaya yekuti hurumende haisi kubuda pachena pamusoro pevanhu vakawanda vemuZimbabwe vaidzidza kuUkraine.
Vakasanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaFelix Magelela Mafa, vati bato ravo harifaririri hondo, uye vashorawo hurumende nekutsigira Russia.
Hatina kukwanisa kubata mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi kanawo mutauriri webato iri VaChristopher Mutsvangwa sezvo nharembozha dzavo dzanga dzisiri kudairwa.
Asi mumwe wechidiki muZanu PF, VaPeter Matangi, vati Zimbabwe inyika yakasununguka nekudaro inodyidzana nevainoda.
Vati Zimbabwe inomira neRussia nekuti nyika iyi yakamirawo neZimbabwe payakatemerwa zvirango zvehupfumi nenyika dzekumawirira.
Mumwe mubereki ane mwana wake akavhiringwa nehondo kuUkraine Amai Kelly Moyo, vaudza Studio 7 kuti mwana wavo ave kupedzisa zvidzo zvake ari kuBritain.
Mumwe mudzidzi asina kuda kudomwa nezita rake audza Studio 7 kuti akazopedzera zvidzo zvake kuKenya kune imwe yunivhesiti yaidyidzana neyunivhesiti yaaidzidza kuUkraine.
Mutungamiriri weZimbabwe National Students Union, VaBenoni Ncube, vanoti havana ruzivo rwekuti vana vaidzidza kuUkraine vakafamba sei uye varipi sezvo hurumende isiri kubuda pachena pamusoro penyaya iyi.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende pamusoro penyaya iyi sezvo gurukota rinoona nekudyidzana nedzimwe nyika, VaFredrick Shava, vati vange vari mumusangano.
Hatina kukwanisawo kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa kanawo mutevedzeri wavo VaKindness Paradza pamwe nemunyori Mukuru mubazi iri VaNick Mangwana.
Your browser doesn’t support HTML5