Vashandi vemuMabhanga Vanowirirana neVashandirwi paNyaya dzeMihoro Yavo

Your browser doesn’t support HTML5

Mutungamiri wesangano revashandi vemumabhanga, reZIBAWU, VaTawanda Mutemi, vanoti vakawirirana nevashandirwi panyaya yemihoro yevashandi vemumabhanga uye vakabvumirana zvavo kuti vaenderere mberi asi vari kuti mihoro haisati yasvika painofanira kunge iri pachitariswa mamiriro ehupfumi hwenyika.

Muchirongwa chinotarisa zvatinosangana nazvo muhupenyu hwedu, cheOur Lives-Hupenyu Hwedu, nhasi tiine hurukuro nemutungamiri wesangano rinomirira vashandi vemumabhanga, reZimbabwe Banks and Allied Workers Union, VaTawanda Mutemi, zvichitevera kuwirirana kwakaita vashandi nevashandirwi neChishanu panyaya dzemihoro yevashandi vemumabhanga.VaMutemi vanoti shoko guru ravakamira naro sevashandi nderekuti vakabvumirana zvavo kuti vaenderere mberi asi vari kuti mihoro haisati yasvika painofanira kunge iri zvichitevera mamiriro ehupfumi hwenyika. “Zviri pachena kuti nyika yave kushandisa mari yekunze zvakanyanya kupfuura yemuno, saka mihoro inofanira kunge ichitambiriswawo nemari yekunze yema USD,” vanodaro Vamutemi. Vanoti vachadzokera zvakare kunotaurirana nevashandirwi vemambanga munaKubvumbi gore rino.