Amai Jill Biden Vopeta Rwendo Rwavo Rweku Africa

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

USA-AFRICA/FIRSTLADY-KENYA

Amai Jill Biden, mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica nezuro vakapeta rwendo rwavo rwemazuva matatu kuKenya mushure mekushanyirawo Namibia.

Mutungamiri wenyika yeKenya VaWilliam Ruto nemudzimai wavo Amai Rachel Ruto nevamwe vakuru vehurumende ndivo vakaperekedza Amai Biden kubva panhandare yendege yeJomo Kenyatta International Airport.

Vari muKenya, Amai Biden vakataura nezvenzira dzekupedza matambudziko enzara akonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye kukurudzira kodzero dzemadzimai nekusimudzira mabasa avo.

Vakaitawo musangano nevari kushanda nehurumende pahomwe yekubatsira vanorarama nechirwere cheHIV yePresident’s Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PEPFAR.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti kushanya kwa Amai Biden kunoratidza kuti murume wavo VaJoe Biden vane shungu dzekuzadzikisa chivimbiso chavakapa vatungamiri venyika dzemuAfrica vakange vari pamusangano weUS Africa Leaders' Summit muWashington muna Zvita kupera kwegore rakapera.

"Kushanya kwa Amai Biden kwakakosha parizvino sezvo dzimwe nzvimbo dzemunyika yeKenya dziri kutarisana nenzara mushure mekunetsa kwemvura zviri kukonzerwa nenyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze. Kuenda kwa Amai Biden kunzvimbo idzi kuchabatsirawo kuti dzimwe shamwari dzeAmerica dzibatane nayo mukubatsira Africa."

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro namuzvinafundo Elliot Masocha