NUST Yomanikidzwa Kudzikisa Mari yeDzidzo Mushure Mekuratidzira kweVadzidzi

Zimbabwe Students Union

Mutungamiri wesangano revadzidzi pachikoro che National University of Science and Technology kana kuti NUST VaMuziwenkosi Sigidi vanoti vakuru vepachikoro apa vazotenda kusawedzera mari yedzidzo kubva pamazana matatu nemakumi maviri ekuamerica kana kuti us$320 kusvika pamazana manomwe nemakumi maviri kana kuti us$720 mushure mekunge vatanga kuramwa kuita zvidzidzo nekuronga kuendesa vakuru vechikoro ichi kumatare.

Mapurisa aswera akakomba chikoro ichi achiti ange achida kudzivirira mhirizhonga. VaSigidi vati vafara nerutsigiro rwavawana kubva kumasangano akasiyana siyana uye vanhuwo zvavo kuti chikumbiro chavo chinzwikwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko eMukuru we sangano revadzidzi re NUST VaMuziwenkosi Sigidi

Bepanhau repadandemutande reCITE rinoti mukuru wezvekuburitswa kwemashoko pa NUST vaThabani Mpofu vatenda kuti vadzikisa mari yechikoro.

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakaudza vadzidzi kuBulawayo svondo rapera kuti vari kuronga kuti vachitange kubatsira vadzidzi nemari kana kuti ma"grants" zvavakapedzisira kuitwa nehurumende muna 2006.

Asi munguva dzose dzavanotaura mudare reparamende, gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Amon Murwira vanogara vachiti mari iri kubhadharwa mumaUniversity emuZimbabwe ishoma zvikuru zvichienzaniswa nemamwe ekuchamhembe kweAfrica.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira vadzidzi nyika yese reZINASU VaBenon Ncube vati vanotozotenda kuti vakuru vechikoro ichi vabvuma kudzikiswa kwemari dzechikoro idzi kana vazoona gwaro rinobva kuhofisi yemukuru wechikoro ichi.

Asi vati vafara kuti vakuru vechikoro ichi vaonawo kuti zvavanga vachida kuita hazvibatsiri sezvo kutori nevamwe vadzidzibvakatadza kunyora bvunzo dzekupera kwe gore r 2022 nekuda kwekushaya mari dzechikoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBenon Ncube- ZINASU