MuZanu-PF Moita Kugeda Geda kweMeno neNyaya yeHuwori Hunonzi Hwakafushunurwa neAl Jazeera

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Vachitaura kumucheto wemusangano wePolitburo webato ravo nhasi, mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti pane vamwe vanhu vasiri kufara nekupa masimba ehupfumi kwakaitwa nebato ravo kuvatema munyaya dzezvezvoicherwa, zvikuru sei varungu vachiti ndivo vave kutaura zvisina mature zvakita sezvinonzi zvichaburitswa mufirimu nenhepfunyuro yeAljazeera nhasi.

Nhepfenyuro yeAl Jazeera inonzi ichaburitsa firumu rinoratidza huwori hunonzi huri kuitwa nevakuru vakuru muhurumende vachishanda nevamwe vari mubato reZanu PF.

Mubato reZanu-PF hamuna kuwirirana panyaya iyi zvakapa kuti nyaya yainge yanyorwa neimwe nhengo yebato iri Doctor Simba Mavaza kunakurira nyoka mhenyu VaUrbert Angel vari kubuditswa munyaya yeAl Jazeera vachinzi vakatenda kuti vari kushanda nenhengo dzebato reZanu-PF kuita huwori imbobviswa asi ichizodzoserwa zvakare nhasi.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira VaPride Mukono vaudza Studio 7 mashoko aya anobuditsa pachena kuti Zanu-PF haina kuzvipira pakurwisa huwori.

VaMutsvangwa vatiwo veruzhinji munyika vari kufara nezvirongwa zvekusimudzira hupenyu hwavo zviri kuitwa nebato reZanu PF zvave kupa kuti vanyorese kuvhota.

VaMutsvangwa vatiwo vanofara nechirongwa chavo cheCell Verification icho vati chiri kuratidza kuti bato ravo rine vatsigiri vakawanada uye richakunda musarudzo.

Vaenderera mberi vachiti vatsigiri vebato ravo havasi vepamadandemutanege sevemapato anokipikisa uye izvi zvaicharatidzwa nesarudzo dzichaitwa muna Nyamavhuvhu.

Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo mubato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaIan Makone, vaudza Studio 7 kuti ibasa reZEC kuona kuti wese anoda kunyoresa kuvhota aita izvi pasina matambudziko.

CCC ine zvirongwa zvakaita seMuugwazo neRegister Elect And Protect izvo iri kuita kukurudzira vatsigiri vayo kunyoresa kuvhota uye inoti ichakunda kana sarudzo dzikaitwa pajekerere.

VaMutsvangwa vatiwo pamusangano wanhasi mutungamiriri webato iri nenyika VaEmmerson Mnangagwa vati vakazvipira kupedza dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka uye vati vakurudzira vechidiki kuti vaite zvemabhizimisi kuti vaite raramo yakanaka.

VaMutsvangwa vati VaSydeny Sekeramayi ndivo vadomwa kuve sachigaro wekanzuru yaaana sorojena vebato iri kana kuti Elders Council.

Vatiwo nhengo itsva dzedare rePolitiburo dzapiwa mabasa adzo adzichange dzichiita mukati memakore mashanu anotevera.