America Yobatana neUN Kukurudzira VaMnangagwa Kuti Vaite Sarudzo Dzakachena Uye Kusasaina PVO Bill

Mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica kana kuti kana kuti Deputy Assistant Secretary Bureau of African Affairs VaRobert Scott mumusangano wavaita negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika Doctor Frederick Shava vakurudzira Zimbabwe kuti isadzike mitemo yakafanana nenonzi uri kuomesera masangano akazvimirira oga wePrivate Voluntary Organization Bill uye vakadzokororawo kuti nyika inofanira kuita sarudzo dzakachena.

Musangano wanhasi waitirwa muHarare uyu uri kuuya panguva iyo mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakawedzera negore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vavo vachiti hapana zvavaita kuyedza kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika vachivapomerawo mhosva yekumbunyikidza vanopikisa, masangano akazvimirira oga nevakuru vevashandi. VaScott pamusangano nevatori venhau vati vari kushikana nemutemo wePVO Bill uyu.

Asi vachinyora mubepanhau reSunday Mail, VaMnangagwa vakati havasi kuzodududza pakusaina bhiri iri kuti rive mutemo vachiti rakakosha mukudzivirirwa kwenyika. United Nations iri kurishorawo ichiti vasarisaine.

Musangano wanhasi wapindwa nevakuru kubazi rezvemari, kudzivirirwa kwenyika uye vanoona nezvemutemo.

Asi vaScott varamba kutaura nezvenyaya yekuwedzerwa kwenguva yezvirango zvakawedzerwa negore naVaBiden nezuro. Papera musangano VaShava havana kutaura nevatori venhau sezvo vati vange vachimhanyira kune mumwe musangano.

Asi mumashoko avo ekutambira VaScott, VaShava vati vanokoshesa zvakanyanya rwendo urwu.

Kunyangwe hurumende yange ichirova bembera kuti rwendo rwaVaScott rwunoratidza kuti iri kuumbiridza hukama neAmerica, nyika iyi pamwe neveEuropean Union vange vachiwedzera nguva yakatemerwa zvirango vamwe vatungamiri vehurumende vari kupomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Vachipa pfungwa dzavo panyaya yezvirango, Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba vati bato reZanu PF rinofanirwa kugadzirisa nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu nezvimwe.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaMusa Kika vati zvirango zvinopa mukana kuhurumende kuti izviongorore nekugadzirisa painokanganisa.

Asi mukuru anoona nezvekubudiswa kwemashoko muMDC T , VaChengetai Guta vati zvirango izvi zvinofanirwa kubviswa.

Mutauriri webato reZanu PF vaChristopher Mutsvangwa vati havanei nezvaitwa neAmerica neEU sezvo Zimbabwe yave kudyidzana nedzimwewo nyika.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende nezvenyaya yezvirango sezvo tatadza kubata gurukota rezvekubudiswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa.

Vaive mutungamiri weAmerica, VaGeorge W Bush, vakasaina mutemo we Executive Order muna Kurume 2003 vachitemera zvirango vakuru muhurumende vaipomerwa mhosva yekutonga nedemo. Asi hurumende inoti zvirango zvakauya mushure mekutora ivhu kubva kuvachena ichipa vatema.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere