Kuvepo kwaVaMohadi seMunyarikani paMabiko eKanzuru yeMasvingo Kunoita Kuti Makanzura eBato Rinopikisa reCCC Arambe Kuvepo

Mutevedzeri wemutungamiri weZanu PF, VaKembo Mohadi vavhura zviri pamutemo kiriniki yeNorth West muMasvingo.

Mamwe makanzura emudhorobha reMasvingo achitungamirirwa nameya wavo, VaCollen Maboke, aramba kuenda kumabiko ekuvhura zviri pamutemo kiriniki yeRunyararo North West yakavakwa nekanzuru pamwechete nenzvimbo itsva yekurasira marara, yeCambria.

Makanzura aya anga achipokana nekukokwa kwemutevedzereri wemutungamiri webato reZanu PF, VaKembo Mohadi, semunyarikani asi ivo vasina kuwirira nazvo, vachiti VaMohadi havachina chinzvimbo muhurumende nekudaro havafanirwe kutungamira muzvirongwa zvehurumende, izvo zvazosiya makanzura matatu eZanu PF achienda kumabiko aya oga.

Vachitaura neStudio 7, makanzura aya ati varamwa kuenda kuchiitiko ichi vachiti chakabvutwa nebato rinotonga reZanu PF, iro rapedzisira rave kuita chirongwa ichi semusangano wekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dziriko gore rino.

Meya Maboke vati ivo nemamwe makanzura manomwe anobva kubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, varamwa chirongwa ichi sezvo pachisungo chavakaita pamusangano wekupera kwemwedzi vasina kukoka VaMohadi nedzimwe nhengo dzebato reZanu PF dzange dziri pamusangano uyu dzakapfeka zvipfeko zvebato radzo.

Meya veMasvingo VaCollen Maboke

VaMoboke vati pamutemo VaMohadi havafanire kubvumidzwa kufambisa zvirongwa zvehurumende kana zvemakanzuru nekuti vakamiswa pabasa ravo rekuva mutevedzeri wemutungamiriri wenyika makore mashoma apfuura.

Kanzura we Ward 4 vari vebato reCCC, VaAleck Tabe, vatsigirawo vachiti varamwa nekuti mabiko aya aguma wave musangano weZanu PF.

Makanzura aya ati vachaita musangano wekuti vatange patsva chirongwa ichi, icho chaifanira kuvhurwa nameya weguta sezvo zvakavakwa nekanzuru.

Asi vachitaura pamusangano uyu, gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira, avo vanofungirwa kuti vakashandisa simba ravo kushonyorora vashandi vekanzuru kuti vakoke VaMohadi semunyarikani, vati Zanu PF haina hanya nekusauya kwemakanzera ebato rinopikisa.

Vachitaurawo pamusangano uyu VaMohadi vati vauya nekuti zvirongwa izvi zvakavakwa nemari yakabva kuhurumende yechirongwa chekugoverwa masimba kumatunhu, kana kuti Devolution.

Vakurudzira vange vari pamabiko aya kuti vavhotere Zanu PF sezvo iriyo iri kuita zvirongwa zvemakanzuru zvakaita sekugadzira migwagwa, kuvaka makiriniki nekuchera zvibhorani.

Mabiko aya anonzi azoita semusangano weZanu PF.

Meya Maboke vati mashoko avaMohadi ekutsvaga rutsigiro pachirongwa chehurumende achenura kusaenda kwavaita pachirongwa ichi vachiti chapedzisira chave chemusangano wezvematongwrwe enyika.

Vanoongorora zvematongerwe enyika vakazvimirira uye vari mudzidzisi paGreat Zimbabwe University, VaDavison Mugodzwa, vanoti bato reZanu PF naVaMohadi vanoziva musiyano wemabasa ehuruemende neebato, asi havaremekedzi mutemo nevanhu munyika ndosaka vachituma VaMohadi kuti vaite mabasa ehurumende kakawanda kunyange vasisiri mushandi wehurumende.

VaMohadi vakamiswa basa rekuva mutevedzeri wemutungamiriri wenyika muhurumende apo vakapomwerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo kuita zvehupombwe nevashandi vavo vechidzimai, vamwe vacho madzimai evanhu.

Gore rapera VaHomadi vakatungamira zvirongwa zvehurumende apo vakatenderera nenyika vachiita musangano nemadzishe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godfrey Mtimba