Vamwe vatyairi vemagonyeti anoenda kunze kwenyika anopfuura nemuzambia vanoti nyaya yehuwori yawedzera panzvimbo dzinotariswa magwaro edzimotokari mumigwagwa yemunyika iyi apo vari kunzi nemapurisa vabhadhare mari dzechiwokomuhomwe kunyangwe hazvo mapepa avo akakwana.
Mumwe mutyairi wemagonyeti, VaOnsen Mahamba, vanoti izvi zvakawedzera pakapinda hurumende itsva muZambia, uye vanoti shuwiro yavo ndeyekuti hurumende nevakuru vemapurisa vaferefete nyaya iyi.
Vanoti mari idzi dzinogumisira dzave kubva muhomwe dzavo sezvo makambani avanoshandira achiramba kubhadhara achiti mota dzavanofambisa dzinenge dzine mapepa ese anodiwa pamigwagwa.
Studio7 haina kukwanisa kutaura nemapurisa emuZambia kuti tinzwe divi ravo sezvo nhare dzavo dzange dzisingadavirwe.
"Tiri kuyedza zvese zvatingagona kuti tiwane mukana wekumhan'garira mapurisa aya kune vemitemo sezvo vari kusvibisa zita renyika yavo nemabatiro avari kuita basa nehuwori hwavari kuita," VaMahamba vaudza Studio 7.
Your browser doesn’t support HTML5