Nyaya yemapurisa yekurambidza muimbi Winky D kuimba kuChitungwiza nezuro iri kushorwa nevakawanda munyika. Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunyora pamadandemutande akasiyana siyana akaita seFacebook neTwitter zvichishora zvakaitwa nemapurisa.
Kubva zvakabuda dambarefu raWinky D rinonzi Eureka, dzimwe nhengo dzeZanu-PF dzakabva dzatabga kuti muimbi uyu haafanire kubvumidzwa kuimba nekuti ari kushora hurumende.
Nzimbo dziri padambarefu iri dzinosanganisira, “Ibotso, Dzimbabwe dzeMabwe, Shaker,” nedzimwe.
Studio 7 yayedza kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti sei mapurisa akarambidza Winky D kuimba asi vange vasingadaire nharembozha yavo.
Hatina kukwanisa kubata maneja waWinky D, VaJonathan Banda. Vari kushora vanosanganisira vaive makurukota ehurumende vakaita saVaJonathan Moyo vaive gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaDavid Coltart vaive gurukota rezvemitambo netsika uye mumiriri weNorton mudare reparamende VaTemba Mliswa.
VaColtart vati gurukota rezvemitambo netsika Muzvare Kirsty Coventry vanofanira kutaura zvavachaita kuchengetedza kodzero dzevanhu dziri mubumbiro remitemo vachiti mapurisa akatyora mutemo nekurambidza Winky D kuimba.
VaMoyo vati maitiro emapurisa anogona kukonzera kuti vanhu vagume vapandukira hurumende.
Vamwe vashorawo chiitiko ichi igweta rinorwira kodzero dzevanhu VaObey Shava vachinyora padandemutande reTwitter vati mapurisa haafanire kuita sekunge ari kutora divi rerimwe bato rezvematongerwo enyika.