Zimbabwe Yopinda Mumusangano Mukuru weCommission On The Status Of Women Unokokerwa neUN

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Amai Sally Ncube - Women's Coalition Of Zimbabwe

Musangano mukuru weCommission On The Status Of Women unokokerwa nesangano reUnited Nations gore rega rega uchizeya nyaya dzekodzero dzemadzimai nevanasikana watanga muguta reNew York nhasi.

Makurukota ehurumende mumapazi ezvemadzimai uye vamwe vanorwira kodzero dzemadzimai kubva kunyika dzakasiyana siyana kusanganisira Zimbabwe vari pamusangano uyu.

Vanhu vari kusangana kekutanga mushure mekupedza makore maviri vachisangana padandemutande nekutyira kupararira kwedenda reCovid-19.

Dingindira regore rino rakanangana nekushandisa humhizha hwechizvino zvino kusimudzira mabasa emadzimai kana kuti “Innovation and Technological Change and Education in the Digital Age for Achieving Gender Equality and the Empowerment of All Women and Girls.”

Amai Sally Ncube veWomen’s Coalition Of Zimbabwe ndivo mumwe weavo vari pamusangano uyu uchapera svondo rinouya.

"Tiri kutarisira kuti zvinetswa zvinosangana nemadzimai nevanasikana pasi rose zvicha zeyewa pamusangano uyu. Tatotanga kupinda mumisangano nhasi umomange muchizeyewa zvinhu zvakawanda zvichabatsira nyaya yekusimbaradza kuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai nevanasikana,"amai Ncube vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na amai Sally Ncube