Dzimwe Nyanzvi dzeHupfumi Dzopa Maonero Akasiyana paMusoro peKuderera kweInflation yeMwedzi waKukadzi

  • Jonga Kandemiiri

Dzimwe nyanzvi dzehupfumi dzinoti veruzhinji vakanga vasina mari yekutengatenga muna Ndira naKukadzi izvo zvakaderedza inflation.

Zimbabwe National Statistics Agency, ZIMSTAT, yakazivisa svondo rapera kuti kukwira kwemitengo yezvinhu mumwedzi waKukadzi, kana kuti inflation, kwakaderera kuaenda pa minus 1.6 percent ichidzika nezvikamu zviviri nezviga zvitatu kubva muzana. kana kuti 2.3 percent kubva pa 0.7 percent muna Ndira.

Inflation yepagore inonzi neZIMSTAT yakadzikawo kubva pazvikamu zana nechimwechete nezviga zvishanu kubva muzana, kana kuti 101.5 percent kuenda pa zvikamu makumi mapfumbamwe nezviviri nezviga zvitatu kubva muzana, kana kuti 92.3 percent.

Ongororo iyi inonzi yakaitwa pachishandiswa nzira itsva yekuongorora nayo kukwira kwemitengo yezvinhu, iyo yakazivisa mazuva mashoma adarika negurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, kuburikidza neStatutory Instrument 27 yegore ra 2023.

ZimStat

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, Doctor Callisto Jokonya, vanoti hazvishamise kuti kukwira kwemitengo yezvinhu kwakadzikira mumwedzi waKurume nekuti vanhu vaakawanda vanenge vasina mari dzekushandisa mushure mekubhadhara mari dzechikoro.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotsanangura zvinoreva kuderera kwemitengo yezvinhu kwakaitika muna Kukadzi.

"Zvazvinoreva kana vachiti monthly inflation yaFebruary yanga iri pa -1.6 percent zvinongoreva kuti on average mitengo yezvinhu munyika, mu economy, yakaderera ne precentage iyoyo (ye-1.6%) bettwen January wegore rino naFebruary wegore rino," vanodaro Doctor Chitambara.

Vanoti zvinoita sekusatambirika kuti mitengo yezvinhu ingaderera muZimbabwe, zvikuru pakatariswa kuti mitengo yezvinhu zvakaita semafuta iri kukwira.

VaMasimba Kuchera

Izvi zvinotsinhirwa nevanoongorora zvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, avo vanotiwo kuderera kunonzi kwakaita kukwira kwemitengo yezvinhu uku kunonetsa kutambira pachionekwa zvakare kuti mitengo yezvinhu zvakaita semafuta edzimotokari yakabva kukwira nemusi weChipiri chaiwo.

Panyaya yekuti ZIMSTAT yave kuongorora kukwira kwemitengo yezvinhu ichishandisa zvose, dhora remunyika nedhora rekuAmerica, nyanzvi mune zvehupfumi vari sachigaro vekomiti yePOLAD inoona nezvehupfumi, VaTrust Chikohora, vanoti ZIMSTAT yanga yagara yave kutoshandisa kare nzira iyi kunyange hazvo yakanga isati yaziviswa zviri pamutemo.

Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vakazivisa mazuva mashoma adarika kuti nzira yekuongorora nayo kukwira kwemitengo yezvinhu pachisanganiswa inflation mbiri, yedhora remunyika neyedhora rekuAmerica, ndiyo chaiyo inoenderana nemamiriro ehupfumi hwenyika pachitariswa kuti mari yekunze yave kushandiswa zvakanyanya mukutengeserana munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu ina Jonga Kandemiiri