Vatungamiriri vemapato vaviri makuru munyika, VaEmmerson Mnangagwa veZanu PF naVaNelson Chamisa veCitizens Coalition for Change nhasi vataura pamisangano yakasiyanana muHarare vese vachiti mapato avo achakunda musarudzo dzichaitwa muna Nyamavhuvhu gore rino.
VaChamisa vataura mashoko aya nhasi mangwanani paBronte Hotel muHarare vachiparura hurongwa hwavo hweZimbabwe Agenda 2023 uhwo vati vachashandisa kukunda musarudzo.
Vati chimwe chavachaita kuti pave neshanduko kuti vanhu vasarudze vatungamiriri vavanoda munharaunda dzavo vakati rwendo rwuno havasi kuzorega bato richiita nhengo mbiri musarudzo imwe chete sezvakaitika musarudzo dzapfuura.
VaChamisa vati vakanyorera tsamba kunaVaMnangagwa vachivakurudzira kuti vaburitse nhengo yebato ravo vachimirira Zengeza West VaJob Sikhala mujeri asi hapana chabuda.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba, asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakamboudza Studio 7 kuti VaMnangagwa havapindire pane zvinenge zvichiitika kumatare sezvo akazvimirira.
VaChamisa vati CCC yakatozivisa nyika dzakavakidzana neZimbabwe nezvemamiriro akaita zvinhu munyika pamberi pesarudzo uye vatiwo vashandi vehurumende kusanganisira mapurisa nemauto havafaniri kutya kuti vachadzingwa basa kana hurumende yasanduka.
Vashorawo zvavati zviri kuitwa nehurumende zvekudzidzisa nekumanikidza mapurisa nemauto kuita zvematongerwo enyika.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti havana zvanoziva pamusoro pezvataurwa naChamisa.
Vatiwo kana paine mapurisa ane zvichemo ngaaendese zvichemo izvi kuvakuru vemapurisa munzvimbo dzavanoshandira. Asi masangano akaita seUnited Nations, vakakweretesa hurumende mari nevanorwira kodzero dzevanhu vanaoti havasi kufara nezviri kuitwa nemapurisa kutadzisa vanopikisa kuita misangano pamberi pesarudzo. VaChamisa vashorawo nyaya yehuwori nekushandiswa kwezvinodhaka vachiti zviri kuitwa nevamwe vakuru muhurumende.
Zvichakadaro, VaMnangagwa vaudza musangano webato rePolitiburo kumuzinda webato ravo kuti Zanu PF iri kunyoresa vanhu kuvhota uye inotarisira kukunda zvine mutsindo.
Vati gadziriro yesarudzo yave pachidanho chepamusoro uye bato ravo richaita sarudzo dzekutsvaga vacharimirira dzemaPrimary kutanga svondo rinouuya.
VaMnangagwa vatiwo vachatanga kutsvaga rutsigiro vachishandisawo nzira dzechizvinono kuti vakunde musarudzo.
Vakurudzira vatsigira vebato ravo kuti vangwarire vanhu vanoda kusvibisa hurumende nemapazi ayo.
Asi vanopikisa vanoti Zanu-PF haina zvairi kuita kuomesera nhengo dzayo dzinenge dzapomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu vachitiwo VaMnangagwa vanongotaura kuti pasina mhirizhonga asi munyika maberekera ingwe.
Zimbabwe ichaita sarudzo dzemutungamiriri wenyika, paramende nemakunzuru muna Nyamavhuvhu uye Zanu PF inoti ichakunda zvinemutssindo ukuwo CCC ichiti ichakundawo zvine mutsindo.
CCC inoti ichakunda kana ssarudzo dzikaitwa zvakajeka. VaMnangagwa vakaudza musangano wekuzeya zvikwereti zveZimbabwe masvondo maviri apfuura kuti ssarudzo dzichange dzakajeka uye nyika yagara ichiita sarudzo dzakajeka.
Your browser doesn’t support HTML5