Nhasi ave makore masere kubva murwiri wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara vapambwa muGlen View, Harare vachibva vatsakatika vachisiya mudzimai nevana vaviri. VaDzamara vakapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori.
Muna 2016, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanngagwa vachiri mutevedzeri wemutungamiri wenyika vakaudza United Nations Universal Periodic Review (UPR) kuGeneva kuti hurumende yaive mushishi kutsvaga VaDzamara.
VaZiyambi Ziyambi kuti tinzwe kuti hurumende yave papi asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Mukuzeya nyaya iyi, Evans Zininga weStudio 7 abata mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights Association, VaDzikamai Bere vati kutsakatika kwaVaDzamara kunoodza moyo.
VaDzamara vakapambwa musi wa9 Kurume mugore ra2015 nevarume vashanu pavaiva vachigerwa. Vakavaamba vanonzi vakatanga kuvapomera mhosva yekuba mombe vasati vavaisa ngetani, ndokuvapinza mumotokari chena yaiva nenhamba dzakavanzwa, vachibva vaenda navo.
Vasati vapambwa, vainge vakurudzira vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasiye chigaro uye vachishora mabatiro avaiita hupfumi hwenyika.
Kunze kwaVaDzamara, Imwe nhengo yebato reMDC raitungamirwa nemushakabvu Morgan Tsvangirai, vaPatrick Nabanyama vakapambwawo kuBulawwayo musi wa19 Chikumi nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF uye vakabva vatsakatika.
Your browser doesn’t support HTML5