Vatori veNhau Vaviri Vekusungwa kuSouth Sudan Pamusoro peVhidhiyo Yairatidza Mutungamiri weNyika VaKiir Vazvitotesa Mabhurukwa Vanosungurwa

Mutungamiri weSouth Sudan, VaSalva Kiir.

Vatori venhau vaviri vekuSouth Sudan avo vakasungwa pamusoro pevhidhiyo yainzi yairatidza mutungamiri wenyika iyi ,VaSalva Kiir, vachizvitotesa mabhurukwa, vasunungurwa.

Mashoko aya aziviswa neChitatu nesangano rinomirira vatori venhau muSouth Sudan, reUnion of Journalists of South Sudan (UJOSS), iro riri kukurudzira kuburitswa muhusungwa kwevamwe vatori venhau vaviri vasara vachiri muhusungwa.

Vatori venhau ava vamwe vevatori venhau vanomwe vakasungwa muna Ndira wegore rino pamusoro pevhidhiyo iyi, iyo yakatenderedzwa pamadandemutande zvakanyanya muna Zvita wegore rapera.

Vatori venhau ava, avo vanoshandira nhepfenyuro yehurumende yeSouth Sudan Broadcasting Corporation, vakasungwa nevasori vanobva kuboka rinoona nezvekuchengetedzwa kwenyika, reNational Security Service, sehurongwa hwekuferefetwa kwekuda kuziva kwakabva vhidhiyo yekuratidza mutungamiri wenyika achizvikanganisa iyi.

Muvhidhiyo iyi VaKiir vanoonekwa vachizvitotesa vakamira pamabiko anotsanangurwa seekuvhurwa kwemugwagwa, vaine dzvanga rakatota kugumbo reruboshwe.

“Tichiri kukurudzira hurumende kuti iburitse muhusungwa vatori venhau vaviri vachiri mujeri,” mutungamiri weUJOSS, VaPatrick Oyet, vaudza AFP.