Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakurudzira madzishe nemasadunhu pamusangano mukuru wavange vachiita kuBulawayo nhasi kuti vachengetedza runyararo munharaudza dzavo pamberi pesarudzo dzegore rino. Mapato anopikisa munyika anogara achishora mamwe madzishe nekupindira munyay dzezvematongerwo enyika achitsigira bato reZanu-PF.
VaMnangagwa avo vapa mamwe madzishe zvikakarara zvemota zvemhando yeIsuzu uye kuvavimbisa makadhi ekurapwa ePSMAS, magetsi pamisha yavo, pamwe nekugadzira migwagwa yemunzvimbo dzavanogara.
Kunyangwe zviri kupihwa madzishe izvi zvichibva pamitero yehurumende, VaMngangagwa vati vanoona bato ravo reZanu-PF riri iro rinokodzera kupihwa rutsigiro ap vange vachikurudzira madzishe kuti achengetedzere runyararo.
VaMnangagwa vati vachaenderera mberi vachitarisa nekugadzirisa zvichemo zvakasiyana-siyana zvapiwa nevatungamiri vekumaruwa ava kusanganisira kuti pasave nevemabhizimisi anoita zvezvicherwa munzvimbo dzekumaruwa vasina budiriro yavanounza munhararunda.
Vasetsa vanhu vange vari pamusangano uyu pavati vashamisika kuti chimwe chezvichemo chemadzishe ndechekuti vanoda kupiwa mari yekunze.
Mutungamiri wekanzuru yemadzishe Ishe Fortune Charumbira avo vataura mutungamiri wenyika vasati vatura mashoko avo, vatora nguva yakareba vachirumbidza hutongi hwehurumende yaVaMnangagwa.
Vati kunyange hazvo madzishe achifanirwa kusave nedivi raakarerekera zviri pachena kuti bato reZanu PF ndiro rakakodzera kuvhoterwa.
Bumbiro remitemo yenyika rinobudisa pachena kuti madzishe haafanirwe kupindira mune zvematongerwo enyika asi pave nenguva VaCharumbira nevamwe vachiratidza divi ravakarerekera. VaCharumbira vakatoendeswa kumatare nenyaya yavo yekutsigira bato reZanu-PF iyi.
VaMnangagwa vati vanhu vemunyika dzakasiyana-siyana pasi rose vanodada nekuve netsika nemagariro avo pachavo vakati zvakakosha kuti vanhu munyika vasade kutora tsika dzakaipa dzekune dzimwe nyika vachisiya dzavo.
Sezvavanogara vachitaura panguva dzose VaMnangagwa vati nyika inofanirwa kuvakwa nevene vayo asi izvi zvinoitika chete kana vanhu vose munyika vakaguta.
VaVincent Chakunda mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvebudiriro nekutongwa kwematunhu uye vari muongorori kazvimirira. Vati hazvishamisi kuti VaCharumbira nemamwe madzishe vari kudivi rehurumende yeZanu-PF.
VaSwithern Chiroodza mutauriri webato reCCC mudunhu reBulawayo vatsinhirawo zvimwe chete.
Murongi wezvekufambiswa kwemabasa musangano reElection Resource Centre VaSolomon Bobosibunu varumbidza kurudziro yekuchengetedza runyararo asi vatiwo zvakakosha kuti madzishe atevedzere mitemo yenyika.
Musangano wemadzishe unoitwa pagore rega rega asi waive vambomiswa kwemakore matatu apfuura nekuda kwekutekeshera kwechirwere cheCovid-19. Musangano wegore rino ndiwo wekutanga kupindwa nemasadunhu.
Your browser doesn’t support HTML5